MUTUNGAMIRIRI wesangano reZimbabwe Football Association, Phillip Chiyangwa, svondo rino akakurudzira nyika yose kuti ibatane mukutsigira chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors kuti chinokunda kumutambo weAfrican Cup of Nations Championships (CHAN) apo chiri kuenda kumazivandadzoka kuRwanda.
Mitambo yeCHAN iri kutanga svondo rino neMugovera apo zvikwata zvemuboka reGroup A zvichange zvichikwikwidza.
Rwanda, iyo inenge iri pamusha payo, ndiyo ichavhura mutambo uyu apo ichasangana neCote d’Ivoire kozoti Gabon ichatatsurana neMorocco mumutambo wechipiri muGroup A.
Mitambo yemaWarriors, ayo ari muGroup D, ichatanga musi wa19 Ndira apo achasangana neZambia ‘Chipolopolo’ mumutambo weThe Battle of Zambezi.
Mumutambo wemaWarriors wechipiri achasangana neMali musi wa23 Kukadzi kozoti wekupedzisira muboka iri achasangana neUganda musi wa27 Kukadzi.
“Isu senyika chinhu chatakatarisira kubva kuvakomana vedu mukombe chete kwete zvimwe, ngavauye nemukombe nyika ifare.
“Tiri kukumbira nyika yese kuti ngainamatire vakomana vedu vanobata basa sebasa kuRwanda nekuti mukombe uyu tiri kuuda zvakanyanya kana iniwo ndiri kuda kuti vauhwine.
“Bhora ngaritsve vakomana ndiro shoko ratiri kuvapa. Ini ndiri kutogadzirira kuti ndiendewo ikoko kuRwanda kunotsigira vakomana vedu,” akadaro Chiyangwa.
Munguva pfupi yadarika, pange pari kutenderera mashoko ekuti murairidzi wemaWarriors Callisto Pasuwa basa rake rinogona kupera hunge akakundikana kutungamira chikwata chake kuhwina mukombe weCHAN.
Asi Chiyangwa paakabvunzwa nezvenyaya iyi haana kuda kubuda pachena kuti Pasuwa achadzingwa here basa kana akatadza kuhwina mukombe weCHAN ndokuti nyaya dzaPasuwa dzinoonekwa naEdzai Kasinauyo uyo anova nhengo yebhodhi reZifa inoona nezvehigh performance and development.
Zvakadaro, Kasinauyo akatiwo ari kushamiswa nezvimwe zviri kuburitswa nemapepanhau nekuti
havasati vakurukura naPasuwa kuti vamuzivise zvavari kutarisira kubva kwaari kumutambo weCHAN uyu.
Kasinauyo akati nyaya iri kutenderera yekuti Pasuwa anogona kudzingwa basa kana akatadza kuhwina mukombe weCHAN ndeyenhando.
Asi anoti zvagara zvinongotarisirwa kumurairidzi wese wenhabvu kuti basa rake ringe richiongororwa nematambiro anenge achiita chikwata chake mumitambo yakasiyana.
“Murairidzi wese anorairidza chikwata chenyika basa rake ragara riri panguva yakaoma nekuti anenge achitariswa kuti chikwata chake chinenge chichitamba zvinogutsa here.
“Isu hedu hatisati tataurirana naPasuwa nechikwata chake kuti tiri kutarisira zvipi kubva kwavari kumutambo weCHAN. Tinovimba kuti vasati vasimuka kuenda kuRwanda tichaonesana zvatinotarisira kubva kwavari,” akadaro Kasinauyo.




