‘Hauna chaunogarira, murume wako akafa’

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti ari kudzingwa pamba nasekuru vemurume wake vachibatsirana nemunin’ina wavo zvichitevera kufa kwemurume wake.
Sipirire Davanga akamhan’arira Leonard Mudzimu naGeorge Mudzimu kudare reHarare Civil Court achiti vamiswe kuuya kumba kwake kana kumudzinga pamba.
“Leonard ndisekuru vemurume wangu saka pakangofa murume wangu vakatanga kunditi ndibve pamba vachida kundirova. Pavakaona kuti ndiri kuramba kubva, vakatanga kundityisidzira vachiti vanoda kundiuraya uye ndiri murwere saka kufa handinonoke,” anodaro.
Anoti George ari kubatsirana nemukoma wake kumushungurudza achiti ngaabve pamba haachisina chekugarira sezvo murume wake akafa.
“Vanobatsirana nemukoma wavo kundidzinga pamba vachiti ndibvepo, handisisina chekugarira uye kana ndisingade kusiya imba yangu ndinogona kutakura zvidhinha nemarata ndoenda nazvo kumusha kwangu,” anodaro Davanga. Leonard anopikisa zvese zviri kutaurwa naDavanga achiti manyepo uye vanogarisana zvakanaka.
“Anonyepa mukadzi uyu, tinogarisana zvakanaka. Dambudziko rava kutotanga nekundiunza kwaaita kudare.
“Handingagarisane nemunhu anondisungisa achitaura manyepo kuti zita rangu risvibiswe,” anodaro Leonard.
Mashoko ake anotsinhirwa naGeorge achiti haasvike kumba kwaDavanga.
“Handisvike kumba kwavo, vari kutaura zvekunyepa,” anodaro George.
Mutongi Yeukai Dzuda akarasa chikumbiro chaDavanga achiti anofanirwa kuenda kumatare anoona nezvekudzingwa kwevanhu vanenge vachiramba kubva pamba..

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *