Hausi musoro wemwana wedu: Mhuri yekwaMakore

Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMakore kwaNyamutumbu, kwaMurehwa – iyo ine mwanakomana akapondwa gore rapera, mutumbi wake ndokuwanikwa usina dzimwe nhengo – inoti yaudzwa nhasi kuti ongororo yeDNA yakaitwa musoro wakanikwa nguva yadarika inoratidza kuti musoro uyu ndewaTapiwa Makore Jnr.

Mutauriri wemhuri iyi, Mai Beaulla Musupai (48), vaudza Kwayedza masikati ano kuti mapurisa ekwaMurehwa auya kumba kwavo nhasi vachiti ongororo yakaitwa nenyanzvi yakaburitsa kuti musoro uyu ndewaTapiwa Jnr uyo akapondwa mumwedzi waGunyana 2020.
“Mapurisa vauya nhasi vachiti musoro, uye wataona wakawora ndewaTapiwa. Isu tiri kupokana nazvo, tinoti hausi wemwana wedu. Saka tataura maMambo Mangwende kuti zuva remusi wa27 March (Kurume) ratakapihwa rekuti tivige mwana tichaviga mutumbi chete uine makumbo nechanza, musoro unochengetwa zvawo neHurumende,” vanodaro Mai Musupai.

Vanoti kubva pekutanga, musoro uyu waingoratidza kuti ndewe munhu mukuru, kwete waTapiwa Jnr.

Asst Comm Nyathi

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Kwayedza kuti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Regai ndinzwe chaizvo zvizere nekuda kwenyaya iyi kumapurisa edu ari pa’ground’, ndinodzoka kwamuri kana ndangovabata,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×