Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS
KUNYEVENUTSWA kwematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) uko kwakaitwa neHurumende kwotarisirwa kusimudzira chikamu chezvekushanyirwa kwenyika icho change chadzoserwa kumashure zvikuru nekuda kwedenda iri.
Vari muchikamu chezvekushanyirwa vanorumbidza mutungamiriri wenyika President Mnangagwa zvichitevera kunyevenutsa kwavakaita mamwe ematanho elockdown.
Matanho aya ane chinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19 zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vange vachibatwa nekufa nechirwere ichi.
Chikamu chezvekushanyirwa kwenyika ndechimwe chakakanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere ichi zvichitevera kumiswa kufamba kwendege munyika muno nedzinobva kunze.
Vamwe vashandi vemuchikamu ichi vange vasiri pabasa kubvira munaKurume gore rapera.
Apo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kudzikira panguva iyo Zimbabwe yakatanga chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira denda iri, chikamu chezvekushanyirwa kwenyika chiri kugadzirira kuti chichitangazve kushanda zvakazara.
“Kushanyirwa kwenzvimbo dzakasiyana nevanhu vemunyika muno kunofanirwa kutanga izvozvi sezvo mabhazi anofamba pakati pemaguta nemadhorobha ave kutenderwa. Hatisati tanzwa pamusoro pematanho ane chekuita nevashanyi vanobva kunze.
“Kuvhurwa kwenzvimbo dzekudyira (restaurants) idanho rinotambirwa nemaoko maviri, tinotarisira kusimukira kwemabhizimisi,” vanodaro VaGodfrey Koti vanova mutauriri weZimbabwe Tourism Authority (ZTA).
Zvisinei, vanoti zvinenge zvakanaka kuti vemabhizimisi emarestaurants vatenderwe kuti makasitoma anotenga chikafu vadyiremo sezvo pari zvino vari kungotenga vachinodyira kumwe.
VaAnald Musonza, avo vanova sachigaro wesangano reHospitality Association of Zimbabwe (HAZ) kuVictoria Falls, vanoti chikamu chezvekushanyirwa kwenyika chiri kutora matanho ose akakodzera ekuti chinyatsoshanda zvizere.
“Kunyevenutswa kwelockdown uye kubvumirwa kufamba kwemabhazi pakati pemaguta inyaya dzinofadza kuchikamu chezvekushanyirwa kana takatarisana nekutanga kushanda sezvatinofanirwa kunge tichiita,” vanodaro.
“Tinovimba kuti vanoona nezvekufambisa muno vachatanga kuita mabasa ekuunza vashanyi vemuZimbabwe kuVictoria Falls nedzimwe nzvimbo munyika.”
VaMusonza vanoti zvakakosha kuti pave nehurongwa hunoita kuti ndege dzinoenda kuVictoria Falls dzinange kuguta iri (direct flights) pasina kumbopoterera nekumwe sezvo izvi zvichikwezva vashanyi vekunze kana vachinge vave kutenderwa kufamba.
“Tinovimba kuti vashanyi vemuno vane mari yekushandisa kuitira kuti vachitanga kushanyira nzvimbo dzakasiyana. Tinofanirwa kugadzirisa nechimbi-chimbi nyaya yekuti ndege dzinoenda kuVictoria Falls dzisapoterere nekumwe kuitira kuti tivhure misika kunyika dzakadai seSouth Africa,” vanodaro VaMusonza.
Vanoenderera mberi vachiti, “Chikamu chedu chagara chakagadzirira kutambira vashanyi uye tinoramba tichikwenenzvera gadziriro dzedu kuitira kuti tizadzikise zvose zvinodiwa.
“Takadzidza uye takasimbaradza zvinodiwa maringe nekudzivirira Covid-19 pasi pemitemo yeHurumende neyeWorld Health Organisation (WHO). Naizvozvo tinoda mukana wekumutsiridza mabasa edu.”
Mai Thandiwe Mafa, avo vari mubasa rezvekushanya (travel agent) vanoti pari zvino pane vashanyi vekunze vari kuvaridzira nhare vachiratidza chido chekushanyira Zimbabwe.




