HIV: Magetsi ovhiringa kuongororwa kweropa

Daphne Machiri

VANHUKADZI vari kurarama neutachiona hweHIV vanonzi vari kusangana nematambudziko pakuongororwa huwandu hweutachiona hunenge huri muropa ravo pasi pechirongwa cheViral Load Testing nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushaikwa kwemagetsi.

Izvi zvakabuda pakuparurwa kwetsvakurudzo yakaitwa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi maringe neutano hwakanaka, rePan-African Positive Women Coalition Zimbabwe (PAPWCZ), richibatsirana nanamazvikokota vezveutano.

Tsvakurudzo iyi yakaitwa kumatunhu anosanganisira Mashonaland Central, Mashonaland West, Matabeleland South, Matabeleland North, Harare, Masvingo neMidlands.

PAPWC Zimbabwe country coordinator, Mai Tendai Westerhof, vanoti zvakabuda mutsvakurudzo iyi zvichabatsira munyaya dzekuvandudza utano hwevanhukadzi, zvikuru vari kurarama neHIV neAIDS.

“Sesangano, tinoda kuti bandiko reZimbabwe Country Coordinating Mechanism (CCM) rikwanise kutambira zvichemo zvinosangana nevanhukadzi vari kurarama neutachiona hweHIV neAIDS mukuongororwa huwandu hweutachiona muropa (viral load testing).

Tinoda CCM ive ichiisawo zvichemo izvi kuGlobal Fund kunova kunobva homwe yemari yakanangana nekurwisa HIV neAIDS, rurindi nemalaria mukuvandudza nyaya dzeutano munyika,” vanodaro Mai Westerhof.

VaAmos Milanzi, avo vanove mazvikokota wetsvakurudzo dzezveutano, vanoti ongororo yavakaita inoburitsa matambudziko ari kusangana nevanhukadzi pavanenge vachiongororwa huwandu hweutachiona muropa.

“Ropa rinenge ratorwa kuti riongororwe asi nenyaya yemagetsi ari kunetsa munyika, rimwe riri kusvika pakuipa risati raongororwa.

“Izvi zviri kukonzera kuti vashandi vemuzvipatara vadzokorore kutora ropa zvinova zviri kudzosera chirongwa ichi kumashure,” vanodaro VaMilanzi.

Vanoenderera mberi: “Dzimwe nguva sezvakaita semamwe makiriniki ari kumaruva, anofanirwa kuzoendesa ropa kumalaboratory asi zvinotora nguva pakashaikwa motokari ine mafuta ekuti itakure ropa iri kunoongororwa apo rinosvika pakukanganisika zvakare.”

Vanoti vamwe vanhu vari kurarama neHIV neAIDS vanogara kure nezvipatara uye vari kusangana nedambudziko rekushaya mari dzekufambisa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *