‘Ndine juju yemubobobo’

Kingstone Mapupu

VANHU vaiva pataundishipi yekwaDzumbunu, kwaMambo Nyamweda, kuMhondoro, vakava nekushamiswa kukuru nemusi weSvondo wadarika apo mumwe murume akangochere oreurura kuti anoshandisa mushonga wemubobobo uyo unomuita kuti ashinhe nevanhukadzi ivo vasina zvavanoziva.

Murume wechikuru uyu — uyo akangozivikanwa nezita rekuti Bheura achiti ane makore 80 ekuzvarwa — anobva mubhuku Dzumbunu, kuMasvosve, anodura oga pasina kumanikidzwa pamberi peruzhinji rwevanhu vainwa doro parimwe bhawa reko kuti ishasha pakushandisa mubobobo.

Nyaya inoshamisa iyi yakaitika apo Kwayedza yaivapo ikazvinzwira murume uyu achidura mabasa ake aya.

“Ndinonzi Bheura ndinobva kuMalawi.

Ndakauya muno kare, kabanga makore ekuma1950.

Handina kumbobvira ndaroora kana kuita musikana kana mudzimai wandinodanana naye.

Ndinongoita zvemubobobo chete izvozvi.

“Mukadzi wandada ndinoita zvandinoda naye ipapo, iye asingazive.

Hapana zvaanoita.

“Nhasi chaiye ndadaro vakawanda pano nekwandabva nako kwese.

Ndinongozviita hamheno kuti chii,” anodaro Bheura akadzvokora mumaziso emutori wenhau uno.

Bheura — uyo aitaura nyaya yake akagara pavhuranda rebhawa iri apo ainge akakombwa nevanhu — airatidza kusavhunduka kana kunyara.

“Ndakashanda mumapurazi akawanda kuBeatrice, kuNorton nekuChegutu uko madzimai evanhu ndakapedza navo.

Kana idzo mhandara ndinongoita zvimwe chetezvo, hapana anoramba,” anodaro.

Varume vainwa doro pabhawa iri vakaratidza kuti vanoziva mabasa emurume uyu kubva kare, avo vaiti hapana zvavanogona kumuita sezvo vachiti vanotya mutemo kana vakamurwisa zvisinei nekuti vanotyira madzimai nevanasikana vavo kuti vanogona kushandisirwa mubobobo.

Steven Ndodha Sinyoro Kurwakumire (40) wemubhuku raMandaza anoti nyaya yekuti murume uyu ane mubobobo inogara ichitaurwa nezvayo.

“Inyaya inogara ichitaurwa muruzhinji pose panoonekwa murume uyu asi hapana danho rinotorwa nevanhu.

Inyaya yave kutoda masabhuku namambo wemuno kuti kuonekwe kuti murume uyu angabatsirwe sei,” anodaro Ndodha.

VaFarai Mhariwa (45), vanova muridzi wepabhawa pakawanikwa murume uyu, vanoti inyaya inozivikanwa kuti Bheura ane mubobobo zvisinei nekuti hapana danho riri kutorwa.

“Iyo haisi secret muno kuti murume uyu ane mushonga wemubobobo, iye oga anotozvitaura sekunzwa kwamaita.

Hamheno kuti akazvitora kupi, pamwe mishonga yekunyika kwaanobva kuMalawi.

“Ava kugara muno kuMasvosve, kune n’anga yakambouya muno inonzi Garwe apo akatombobatwa nemishonga yemubobobo uyu asi zvinonzi hazvina kupera,” vanodaro VaMhariwa.

VaFreddy Nhamo Makausi (60) vanoti nyaya yekuti murume uyu ane mubobobo yatekeshera munharaunda mavo.

Madzimai vanonzi vakaona murume uyu ari kure navo vanomutiza nekutyira kuti vanozobobodzwa.

Bheura anonzi anogara oga.

Vopa maonero avo panyaya ino, VaPatrick Kapfunde (58) kana kuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti murume uyu anoda kushandirwa nekuti dzimwe nguva haisi mhosva yake asi kuti zvinogona kunge zvakangomuinga kuburikidza nemishonga yaakapihwa nevakuru vake.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *