Hondo ndeyedu tose – Ziliwaco

Kingstone Mapupu

SANGANO revaiva ana mujibha nanachimbwido reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO) rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekumisa kupararira kweCovid-19.
Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka (61), avo vanova munyori wesangano iri vachiti kurwisa chirwere ichi kunoda mushandirapamwe.

“Hondo takairwa tikakunda nyika ikawana kuzvitonga kuzere, zvino nhasi tava nehondo huru yekurwisa chirwere chiri kuuraya nekurwarisa vanhu ichi. Tinoti nguva yakwana yekuti munhu wose azive paamire tinobaiwa tose nhomba dzekudzivirira denda iri risati ratipedza,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanopa muenzaniso wezvirwere zvakaita semaperembudzi nemhezi izvo zvavanoti nyika yakaita chirwirangwe pasina akasarira kumashure, matenda aya akakurirwa.

“Hatidi kupera kufa nechirwere chatiri kupihwa mukana wekuti tibaiwe majekiseni ekuzvidzivirira ayo anotovako,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 ayo anosanganisira kuti vagare vakapfeka mamasiki, kusafamba zvisina tsarukano nekusaungana.
“SeZiliwaco, tiri kufambisa mashoko kunhengo dzedu tichishandisa nhare nedzimwe nzira kuti vaende vanobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Hatidi kuramba tichirasikirwa nemagamba edu neruzhinji nekuda kwechirwere chanetsa ichi. Hatiendei tinobaiwa tose nhomba dzekudzivirira sekurudziro yatinopihwa nanamazvikokota vezveutano. Nyika inotida nekuti tine basa rekushandira nyika ibudirire, tisarasikirwa nevanhu,” vanodaro.

Cde Chakanyuka vanoti majekiseni ekudzivirira Covid-19 haana kumbosiyana nemamwe aivepo kare anosanganisira ekudzivirira polio.

“Ini ndakabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19. Senyika, tinotarisira kufamba kwezvinhu zvakanaka mukubaiwa kwevanhu majekiseni aya uye tinofara nemashoko ari kubuda evanhu vari kuenda kuzvipatara nekumwe kunobaiwa vakawanda,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×