‘Hongu takamugadzirisa’

IMWE hama yaCollins Chigariro, iyo iri kunetsekawo nekurwara kusiri kupera kwemurume uyu, VaEverson Chigariro (35), vakatsinhira kuti mukoma wavo anoti akagadzirwa nevanhu vaakabira zvinhu zvavo. “Collins anonzi akataura kuti kuzvimba kwedumbu nemakumbo ake aiva agadzirwa nevanhu vaakabira zvinhu zvaisanganisira magumbeze, mapoto, ndiro nezvimwewo,” vakadaro VaChigariro.

Murume akangozviti anonzi Itai, uyo anoti anogara kumwe cheteko naCollins, akati akabirwa zvinhu zvake nemurume uyu ndokutiwo ichokwadi kuti vakafamba kuchivanhu vachitsvaga mhiko dzekupfidzisa mbavha yainge yavabira.

“Ehe, takafamba tabirwa ini nehanzvadzi yangu tikagadzira. Hamheno kuti ndiye here akatibira nekuti haasi kuuya kuzodura kwatiri kuti timutsikinure. Asi kana achiuya kwatiri tinoda kuona zvinhu chaizvo zvatakabirwa, kwete

‘Hongu takamugadzirisa’ zvekungotaura,” akadaro murume uyu.

VaTito Nyamweda (35), avo vanova hama kumhuri mbiri idzi, yekwaChigariro neyevanoti vakabirwa, vanoti nyaya yekuti Collins akagadzirwa nemishonga apo akaba vakainzwa.

“Inyaya inozivikanwa nevanhu vari pedyo nemhuri iyi kuti Collins anonzi akaba zvinhu zvevanhu zvinova zvave kumurwarisa,” vakadaro VaNyamweda.

Vamwewo vakapa pfungwa dzavo panyaya iyi.
Eugine Shayanewako (28) anoti:  “Vanhu vanotaura zvavanenge vachinzwa, nyaya yemurume uyu yakabvira kare kutaurwa asi hatizive kuti kuvengwa here kunoita kuti agare achinzi anoba.”

Anoti vanhu vanomunongedza achinzi imbavha kana kuchinge kwangoshaikwa zvinhu munharaunda yavo.
VaCleopas Munemo (34) vakataurawo. “Ini ndinobvawo kuMhondoro padyo nemusha wemurume uyu, anongonzi anoba. Saka zvehurwere hwake kuti kuba here kana kuti imwewo nyaya hatizive asi mbiri yake ndeye kutora zvisiri zvake,” vakadaro VaMunemo.

Munyaradzi Motsi (30) akatiwo: “Inyaya dzinongotaurwa kuti anoba, vamwe vachiti akagadzirwa kurwara uko ari kuita. Asi chandinoziva ini ndechekuti akamborwara zvikuru akanzi agare achinwa mapiritsi, izvo akambomira kuita ndokubva atanga kurwara.”

Collins paakataurwa naye neKwayedza akatiwo kwavakambofamba kuchivanhu vakataurirwa kuti aiva agadzirwa nemishonga.

IMBAVHA-20/06/14
EUGINE Shayanewako
Tito Nyamweda
Cleopas Munemo
Munyaradzi Motsi

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×