‘Landlord’ akarumwa muromo neroja

MUMWE muridzi wemba wekuChitungwiza akazosara ava nembonje mushure mekunge akakachurwa kurumwa muromo nemuroja wake uyo ainge ava kutama pamba apa. Muroja uyu akazoendeswa kumatare nemuridzi wemba zvichitevera bongozozo rakamuka apo akada kutama pamba paairoja apa asina kugadzirisa fafitera raakange apunza.

Muchuchisi weChitungwiza Magistrates’ Courts, Wilson Matsika, akati Tutsirai Chipaumire (37), wepanhamba 34 Makombe Street, kuZengeza 2 akarova muridzi wepamba paairoja, Emmanuel Shonhiwa (46), mushure mekunge abvunzwa kuti aibvirei pamba asina kutaura uye kuti asiye mumwe mudziyo wake wekubatira kusvikira aunza mari yekutenga rimwe fafitera rekutsiva iro raakange apunza. Chipaumire akanotora mumwe mukomana uyo waakaenda naye pamba apa ndokuti aive mupurisa aida kuti amubatsire kuburitsa zvinhu zvake pasina chinobatirwa naShonhiwa.

Izvi zvakakatyamadza Shonhiwa uyo akatanga kutaura nemukomana uya nenyaya yekuti fafitera rakapunzwa rinofanira kutsiviwa.

Chipaumire akabva atanga kupopota ndokuruma Shonhiwa pamuromo akabva akuvara uyuwo mukomana ainzi mupurisa akabva abata Shonhiwa kuti asadzosera apo Chipaumire abuda ndokutiza.

Shonhiwa akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa Chipaumire ndokusungwa.
Chipaumire akabvuma mhosva yake achiti akazoruma Shonhiwa nekuda kwekuti aizvidzivirira apo vairwa. Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Chipaumire chirango chemwedzi mina kugara mujeri asi ndokuzosendeka chirango chose ichi padivi nekuda kwekuti aka ndekekutanga Chipaumire kupara mhosva uye akanzi asapare mhosva yerudzi urwu zvakare.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×