KWAYEDZA

Murume apondwa achangobva padare raMambo Nemangwe

Kingstone Mapupu

MHURI inobva mumusha waSabhuku Mulingo, mudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe, yakawirwa nedambudziko guru apo mumwe wavo akapondwa nekubaiwa nebanga, vachangobva kudare ramambo ava uko vainge vaenda kunotongwa pamusoro pemakakatanwa ekuvakirwa kwemakuva ehama.

Munguva pfupi yadarika, mhuri yekwaTamanikwa inonzi yakanogadzira makuva maviri ehama dzavo — remumwe wemadzibaba wavo, iro rakaiswa dombo; neratete wavo, iro rakaiswa samende. Zvinonzi pakazosara bhegi rimwe chete resamende, veukama vakazowirirana kuti rishandiswe kugadzirawo guva raambuya vemhuri; amai vemadzibaba epo.

VaNehemiah Tamanikwa (27), vanova mutauriri wemhuri iyi, vakatsinhira nyaya yekupondwa kwemukoma wavo apo vakanga vachangobva mudare raMambo Nemangwe nokuda kwenyaya yekuvakwa kwemakuva kwakanga kuchangobva kuitwa.

“Takamhan’arirwa nedzimwe hama dzedu nenyaya yekuisa matombo nekuvakira makuva, zvichinzi nevamwe taisava nemvumo yekuvakira guva raambuya, amai vanababa vedu. Nyaya iyi yakazoenda kudare, tikashevedzwa nomusi weSvondo wadarika, 15 Mbudzi. Kune vamwe vedu vaiti pane hanzvadzi yavo yaibatwa nemweya waambuya, uyo waitaura kuti takavakirei guva ravo mweya wavo usingazivi. Nyaya iyi yakagarwa dare, tose tikaonekwa tisina mhosva,” vanodaro VaNehemiah Tamanikwa.

Vanoti baba vavo vasara vainzi nedzimwe hama ndivo vakanga vamhan’ara kuti sei guva raamai vavo rakanga ravakirwa. Zvisinei, baba ava vakaramba zvavainenedzerwa izvi, vakabuda pachena kuti kuvakirwa kweguva iri vaikuziva uye vakanga vakutendera.

“Vanhu vakanga vasungiswa kudare iri vaisanganisira Trymore Tamanikwa (35), Romeo Tamanikwa neni Nehemiah Tamanikwa (25). Nyaya iyi yapera mudare nomusi weSvondo wadarika takatanga kufamba takananga kumba. Tangofamba chipo chemamita 250, takasangana nedzimwe hama dzedu dzechirume nhatu, ndokubva dzatanga kutirwisa dziine matemo, tsvimbo, mapanga nerekeni. Ipapo Trymore Tamanikwa akabva abaiwa nebanga paruoko rwerudyi, ndokukuvara zvikuru,” vanodaro VaNehemiah Tamanikwa.

Varume ava veukama — Samson Tamanikwa (30), Nickson Tamanikwa (27) naGivemore Tamanikwa (25) — vanonzi pavakaona kuti vakanga vakuvadza mumwe wavo, vakabva vaita ushamwari nemhepo vachienda kusina anoziva.

Murume akapondwa Trymore Tamanikwa (kurudyi) aine munin’ina wake Nehemiah Tamanikwa.

“Takazotakura Trymore Tamanikwa nebhara kuenda naye kutara, tichida kuti timutakure, tiende naye kuchipatara, achibva angofa ipapo, tisati tamubatsira. Takazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuGokwe Centre, ayo akabva atanga kufeya nyaya iyi,” vanodaro VaNehemiah Tamanikwa.

Mambo Nemangwe, VaMunyaradzi Muchabeta Bango, vakatsinhira nyaya iyi yekupondwa kwemumwe murume vanhu vachangobva mudare ravo.

“Mhuri iyi yakauya kudare, vamhan’arirwa nehama dzavo kuti vakavakira guva raambuya vamwe vasingazivi. Dare redu rakawana varume vatatu ava vasina mhosva yavaipomerwa, ndokubva vabuda mudare, ndokuenda. Panguva iyi, kune vamwe vaiva vakavagarira kunze, vakazoponda mumwe uyu. Nyaya iyi yave mumaoko emapurisa,” vanodaro Mambo Nemangwe.

Vanoti vanofungira kuti mhuri iyi ine dzimwe nyaya dzakasiyana neyaiva mudare dzavakazorwira.

Vakati havatarisiri zvakadai mudzimhuri asi kuti vabatane, vopota vachitaurirana nyaya dzavo pasina kurwisana.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vakatsinhira nyaya yekupondana iyi paukama, vanhu vachangobva padare raMambo Nemangwe.

“Kune nyaya iri kufeewa nemapurisa edu yakaitika mumusha waSiaurembo, kwaMambo Nemangwe nomusi wa15 Mbudzi nenguva dza5 manheru, apo Trymore Tamanikwa (35) akapondwa nehama dzake apo aifamba nevamwe vakoma vake vaviri, vachibva kudare raMambo Nemangwe. Vakagarira varume ava vanoti Samson Tamanikwa (30), Nickson Tamanikwa (27) naGivemore Tamanikwa (25).

“Mutumbi wemurume uyu, uyo ainzi Trymore Tamanikwa (35), wakazoendeswa kumochari yechipatara cheGokwe. Unotarisirwa kuendeswa kuchipatara cheBulawayo mangwana, Chitatu, 18 Mbudzi, kunoonogororwa navanachiremba, uchizodzoka kunoradzikwa nomusi weChina svondo rino. Semapurisa, tiri kutsvaga varume vakapara mhosva yekuponda iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vakakurudzira mhuri kutsvaga vayananisi kana paine zvinonetsa mumadzinza pane kurwisana nekupondana.

Leave a Comment