KWAYEDZA

Sekuru Matsika voshumira muSadc

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero Silas Matsika akatanga chirongwa chekutenderera munyika dzakasiyana-siyana dziri mudunhu reSouthern Africa Development Community (SADC) achishumira vhangeri raJesu Kristu nekushambadza dambarefu rake idzva rinonzi “Shimandah Mwanangu”.

Matsika, uyo anonyanya kuzivikanwa nevoruzhinji saSekuru Matsika, anogara kuSouth Africa, uko anoshanda achitsikisa mhanzi yake.

Gore rino, Sekuru Matsika vakavamba chirongwa chekutenderera nyika dzakatsaukana-tsaukana dziri muSADC, umo vari kuridza mumakereke akasiyana-siyana eAnglican, vachiparidza vhangeri pamwe chete nekushambadza dambarefu ravo idzva. Svondo radarika, Sekuru Matsika vaive kuGaborone, kuBotswana, uko vakaridza pachirongwa cheAnglican Cathedral Vabvuwi National Pungwe.

Vachitaura neKwayedza, Sekuru Matsika vakati semunhu akatumwa naMwari, donzvo ravo nderekushanyira nyika dzakasiyana-siyana dziri muSADC, vachiparidza vhangeri.

Vanoti kana vapedza neSADC, vanoda kuzoshanyira dzimwe nyika dzemuAfrica nekuzoenda kuEurope vaine vavariro imwe cheteyo yekukusha shoko raMwari.

“Gore rino ndakabura dambarefu rangu rechitatu rinonzi ‘Shimandah Mwanangu’, iro rakagamuchirwa zvinofadza nevatsigiri vemhanzi vanonditevera. Ndaona kufarirwa kwariri kuitwa, ndakati regai ndifambe munyika dzakasiyana-siyana ndichiparidza kuburikidza nekuimba, panguva imwe cheteyo, ndichishambadza dambarefu rangu iri.

“Kuno kuSouth Africa kwandinogara, ndinoridza nguva nenguva uye kuZimbabwe ndinogara ndichiuya kuzoita mashoo, saka ipapa ndakati regai ndimboshanyire dzimwe nyika dzakasiyana-siyana.

“Svondo radarika ndakashevedzwa kuBotswana, uko ndakaridza muGaborone, mukereke yeAnglican, umo maiva neungano yepungwe yevabvuwi.

“Ndiri kutarisira kuenda kune dzimwe nyika dziri muSADC munguva inotevera, ndichinoridza mumakereke akasiyana-siyana, ndichiparidza vhangeri,” vanodaro Sekuru Matsika.

Kubva zvavatanga zvemhanzi, Sekuru Matsika vakwanisa kubura madambarefu matatu anoti “Hondo Dzese Dzedima”, “Yerayera” na“Shimandah Mwanangu”.

Pamusoro pezvo, vanonyanya kuzivikanwa nenziyo dzavo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Namata Urinde”; “Imi Ngirozi”; na“Shimandah Mwanangu”, kegore rino, ako kari kupisa parizvino.

Kunze kwekuita zvemhanzi, Sekuru Matsika vari kutora chikamu chekuraira vechidiki, vavari kukurudzira kuti vabve mune zvinodhaka.

“Zita rokuti Sekuru Matsika ndakaripihwa kuburikidza nechirongwa chandinoita chekuraira vechidiki, ndichivakurudzira kuti vafuratire zvinodhaka.

“Zvinodhaka idambudziko guru chairo, ende zvakanganisa vechidiki vedu vakawanda. Saka ibasa redu tose kuti tishande pamwe chete kurwisa kutorwa kwezvinodhaka, nekudzidzisa vana vedu uye kuvatsvagira zvimwe zvekuita muupenyu hwavo,” vakadaro.

Leave a Comment