IDAI: President vari mberi…Voshingaira kuti vanhu vabatsirwe

Elita Chikwati
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa nemusi weChitatu chino vakaita musangano nemapazi akasiyana eHurumende pamwe nemakambani ari kubatsira mukuvakwa kwezvakasiyana kunzvimbo dzakaparadzwa nemvura yemafashamu yeCyclone Idai nechinangwa chekuti basa iri rifambe nekuchimbidza uye kuti zvinhu zvigadzikane.

Migwagwa, mazambuko, zvikoro nemakiriniki zvimwe zvezvinhu zvinokosha mabhiriyoni emadhora izvo zvakaparadzwa nemafashamu aya.

President Mnangagwa vakatungamira makurukota eHurumende mukushanyira kwavakaita nzvimbo dzakawirwa nedambudziko reCyclone Idai vachiongorora kuparadzwa kwakaitwa nekuona kuti basa rekubatsira vakasangana nenjodzi iyi riri kufamba zvakanaka here.

Makambani akasiyana seanoona nezvekufambiswa kwemasaisai emashoko mumhepo, vezvemagetsi pamwe chete neZimbabwe National Army nemapazi eHurumende vari kushanda siku nesikati mukugadzirisa zvakaparadzwa nemafashamu aya.

Vachitaura pakugashidzwa kwezvinhu zvekubatsira vakawirwa neCyclone Idai, mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Mai Jennifer Mhlanga, vanoti musangano uyu uchazeya nyaya dzekutsvaga mari yekubatsira mukugadzirisa zvakaparadzwa nemafashamu.

“Takaona kuti makambani akazvimirira emuno nemapazi eHurumende ari kushanda zvikuru mukubatsira vanhu vakasangana nedambudziko reCyclone Idai.

“Makambani aya ari kuramba achibatsira vanhu ava, kunyanya nekuvabvisa munzvimbo dzine njodzi nekuvapa chikafu asi tiri kuona kuti apo tiri kuenda mberi, tinoda kuti zvivakwa zvose zvakaparadzwa zvigadziriswe,” vanodaro. Kubva pakawirwa vagari veManicaland, Masvingo neMashonaland East nedambudziko remafashamu iri, President Mnangagwa vari kutungamirira mukuona kuti veruzhinji veko vabatsirwa mukuti upenyu hwavo hudzokere pakugara zvakanaka.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×