Ini ndapfidza nenjovhera

MUBVUNZO:

Makadii Sekuru? Ini ndine dambudziko rekuti ndaita njovhera. Ndanzwa nekufamba ndichitsvaga rubatsiro asi chiri kungopera imari yangu chete pasina rubatsiro rwandiri kuwana. Ndibatsireiwo Sekuru dambudziko rangu ripere.

MHINDURO:
Iwe muzukuru pamwe nevamwe vane matambudziko akaita serako, njovhera zvirwere zvepabonde zvakawandisa uye zvine marudzi. Zvimwe zvacho zvinosanganisira zvirwere zvemhopo, gonoriya kana kuti drop apo unenge uchibuda hurwa sikarudzi yako ichipisa, songoya (syphilis), zvirwere zvemaronda kana mwambabvu. Kune mutochera unokonzereswa nezvirwere zvepabonde, kozoti kuvaviwa mukati menhengo yako (candidiasis), kune genital herpes (mapundu anobuda achivava kunhengo yako) uchiti ukakwenya zvinoputika nezvimwewo zvinongodaidzwa nekuti maSTIs.

Zvino iwe muzukuru hauna kutiudza kuti chirwere chepabonde chaunacho ndechipi uyehauna kutaura kuti wakavhenekwa here chirwere ichi kana hosha yeHIV/AIDS nekuti kana yauya mumuviri wako unenge usisachakwanise kurwisa zvirwere izvi uye mishonga chaiyo inogona kukurirwa sezvo masoja emuviri wako anogona kushaya simba kana kuita mashoma denda roramba kupera.

Sezvo usina kutiudza kuti une njovherwa yerudzii, isu tinoti nyatsoenda kukiriniki kana kuchipatara unoongororwa njovhera yakunetsa usati waiswa pamishonga. Kana chiri chirwere chepabonde bedzi, chinofanirwa kurapika asi kana zvava neHIV/AIDS, inenge yava imwe nyaya.

Asiwoka, iwe muzukuru zvinoratidza kuti hosha yako iyi hauna kuiwana mumba kumudzimai wako, ndokunge wakaroora. Inga zviri kugara zvichikurudzirwa kuti musaite bonde musina kuzvidzivirira kuitira kuti musabatwe nezvirwere zvepabonde. Ko iwe unozvifambisa sei? Kungopinda mudziva, ko kana muine zvikara?

Kana kuri kuti une njovhera bedzi, kana kuchivanhu inorapwa ikapera. Tsvaga vanobatsira nemishonga yechivanhu, asi tanga wanoongororwa kuchipatara.

Rega ndidzokorore kukuyambira muzukuru, usafarira bonde zvekusvika pakusapfeka dziviriro nekuti zvine njodzi. Tamba wakachenjera!

 

l Bvunza Kwayedza pa: 0775 421 949 kana 0715942183

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×