Inodya dzimwe nyoka

NYOKA yendara kana kuti mhunzamusha inonzi inonyanya kurarama nekudya dzimwe nyoka, makonzo netumwe tupuka tunosanganisira matatya nemadzvinyu.

Nyanzvi munyaya dzekuchengetwa kwenyoka, VaAbraham Singano (27), avo vanoshanda kuSnake World vanoti nyoka yendara, iyo inonyanya kufamba husiku, inodya dzimwe nyoka.

“Nyoka iyi inorarama nekudya dzimwe nyoka uye haina muchetura sedzimwe. Haina mazino ekumberi (fangs), ine matadza chete ekutsengesa. Asi dzacho nyoka dzine muchetura dzinodyiwa nendara pasina kurwara kana kufa kwainoita,” vanodaro VaSingano.

Vanoti ndara dzinowanzowanikwa kuManicaland uye pachivanhu kuonekwa kwadzo kunoshura.

“Nyoka iyi pachivanhu inoshura zvakaipa zvinouya pamusha uye hairume vanhu sezvinoita dzimwe nyoka. Inowanikwa iri mumavara akasiyana anosanganisira chena, pink nenhema izvo zvinoita kuti dzimwe nguva ipenye zvakanyanyisa husiku. Inogona kureba kusvika mamita maviri nechidimbu kana kudarika kusvika pamamita matatu.’’

VaSingano, avo vanova mwana wenyanzvi yekubata nyoka munyika muno, VaBrown Singano, vanoti basa iri vakaridzidziswa nababa vavo vachiri mudiki.

Vanoti uwandu hwenyoka yendara hushoma zvikuru muZimbabwe nekudaro dzinotoda kuchengetedzwa kuti dzisapere asi dzichiwanikwawo kudzimwe nyika muAfrica.

 

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×