naKudakwashe Machingura
Venharaunda, Dunhu, Matunhu
Ngatiitei mushandira pamwe
Wekusimudzira nyika yedu
yeZimbabwe
Ivhu ndiro nhaka yedu
Vabereki kugarira maoko
Hakuunzi chimuko panyika
Munokurudzirwa kuita mabasa amaoko
Kuti tisimudzire ivhu redu
Ivhu ndiro musimboti weupenyu
Vana mbuya Nehanda nasekuru Kaguvi
Vakafira nyika yedu yeZimbabwe
Madzimai ngatibatanei pamwe semasvosve
Tishandire pamwe naamai vedu
Tinodada navo pakusimudzira nyika yeZimbabwe
Hama dzangu chati homu chareva
Chareva nekuti chaziva kuti ngatibatanei
Pamwe samajuru, tisimudzire nyika yedu
Mutungamiri wedu President R.G Mugabe
Tinofanira kushanda navo mune zvakanaka
Tichengetedze ivhu redu Zimbabwe
Upenyu imhindu pindu.
. Kudakwashe Machingura ari muForm 4 paNhedziwa High School, kuChimanimani.
MAONERO:
Izwi rekuti mushandirapamwe rinonyorwa rakabatana nekuti izwi rimwe chete, kwete maviri.
Pamarongero ako endima, handizive kuti sei wada kuti unyore seizvi:
Wekusimudzira nyika yedu
yeZimbabwe
Nekuti zvave kuita kuti yeZimbabwe paari aite semombe yarasika, yarara musango iro danga riripo. Ungadai wangonyora uchiti:
Wekusimudzira nyika yedu yeZimbabwe.
Zvakare, tichiri ipapo, nhetembo yako iri kungoenda setambo isina kana bvundo nemhaka yekuti hausi kushandisa zvimiso, kana zvimwe zvinoratidza kuti vaverengi vazive kuti pane mubvunzo kana kukanuka. Kunyora kwakadai kunoita kuti vaverengi vatadze kumedza mate, kana kufema kana kumira nekuti nhetembo yako haina zvese izvozvo. Yakafanana nemota isina mabhureki, kana yave kunomira inonoita zvekudhumhira, chinova chinhu chine njodzi.
Kana ukazvitarisa, nhetembo yako ine pfungwa zhinji dzakasiyana-siyana, saka yanga ichidawo kuti ive mundima nendima. Ndima yega yega ichitaura nyaya kana kuti pfungwa yakasiyana.
Zvino nekuti wanga usingashandise zvimiso, uye usingashandise ndima, hatizive kuti zano rimwe nerimwe riri kutangira nekuperera papi. Izvi zvinoita kuti iwe uonekwe seusina kurongeka. Saka nhetembo yako ngaive nendima.
Panhetembo dzakaita seyako iyi, ndinotarisira kunzwa mazano nemaonero matsva achikuchidzirwa zvekuti moto wenhetembo haudzime. Chandiri kutaura inyaya yekuti zvauri kutaura hazvisi zvitsva. Kana iwe ukati:
Ivhu ndiro nhaka yedu
Vabereki kugarira maoko
Hakuunzi chimuko panyika
Munokurudzirwa kuita mabasa amaoko
Kuti tisimudzire ivhu redu
Ivhu ndiro musimboti weupenyu
Ini handina chandinakidza kana kundidenha pamitsara mitanhatu yawanyora iyi. Taneta nekunzwa vanhu vachiti “Ivhu inhaka yedu, ngatishandei . . .” Uri kutaura zvinhu zviri pachena.
Kana wati uri kuda kuita nyanduri, dzikisa gejo kuti ivhu racho ripinduke, rigamuchire mbesa dzenhetembo yako zvekuti kana chiri chibage chinenge chakapakata miguri mishanu padzinde rimwe chete. Hongu, kuwedzera kunobvumirwa nechinangwa chekuda kuburitsa pfungwa itsva nenzira yakajeka.
Uye wati iwe:
Munokurudzirwa kuita mabasa amaoko
Kuti tisimudzire ivhu redu
Mubvunzo wangu newevaverengi unenge wave kuti, chinosimudzirwa ivhu riri kurimwa here kana kuti hupfumi hwenyika nehutano hwevanhu? Chenjerera kuti usataure zvinorasisa vanhu.
Wazotiwo:
Madzimai ngatibatanei pamwe semasvosve
Tishandire pamwe naamai vedu
Asi vaverengi vanenge vave kutarisira kuti upedzise nekujekesa zvawanyora. Kana ukangoti, “Tishandire pamwe naamai vedu,” asi worega kutaura amai nezita – vaverengi vanoramba vari murima.
Chandaona chikuru ndechekuti nhetembo yako hainyatsobuda senhetembo. Unoda kuti uverengewo nhetembo dzeShona dzakasiyana-siyana kuti uone manyorerwo anoitwa nhetembo. Asi usarege kunyora nekuda kwezvandataura, nekuti ndiko kutodzidza kwauri kuita.




