Japan yakabatsira Zimbabwe nemari

HURUMENDE yeJapan yakatsigira mabasa ekurima muZimbabwe neUS$1,5 miriyoni kuburikidza neUN World Food Programme (WFP) uye mari iyi inotarisirwa kusimudzira nyaya dzemadiridziro pamwe nekuwaniswa kwezvekudya kumatunhu anoti Zvishavane neMwenezi.

Matunhu maviri aya ndemamwe asinganaye mvura zvakanaka izvo zvinoita kuti pave nekushomeka kwechikafu.

“Rubatsiro rweJapan rwuchayamura kuti vanhu vawane kudya kwenguva ino kuitira kuti vasazonyanya kushungurudzwa nenzara pavanozokohwa. Zvakakosha kuti matanho anorwisa nzara ange achitorwa nenguva,” vakadaro VaEddie Rowe vanove mukuru weWFP muZimbabwe.

Pasi pechirongwa cheWFP’S Productive Asset Creation Programme, icho chakaparurwa mumwedzi waChikumi gore rino, varimi vazhinji vave kukwanisa kurwisa nzara kuburikidza nekushandisa nzira dzekurima dzine pundutso dzakadai semadiridziro.

Mumiriri weJapan muZimbabwe Ambassador Yoshinobu Hiraishi vakarumbidza kudyidzana kwakanaka kuri pakati penyika mbiri idzi.

“Japan inogara ichitsigira zvirongwa zveWFP kwemakore anodarika gumi.

“Ndinofara zvikuru nekuti hukama hwedu huri kupa upenyu kune veruzhinji kuburikidza nekuvawanisa nzira dzekurima dzakanaka dzinoita kuti vagone kurwisa nzara,” vakadaro.

Kubvira gore ra2012, WFP yakabatsira zviuru zvevanhu vari muruwa muZimbabwe.

Hurumende yeJapan iri pamberi mukutsigira zvirongwa zvemunyika muno uye kubvira gore ra2010 yakabatsira nemari inodarika US$43 miriyoni mubudiriro yakasiyana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *