‘Tangai gadziriro dzekurima parizvino’

MASANGANO anomirira varimi akakurudzira kuti vachitanga gadziriro dzavo parizvino uye kuti vange vachirima mbeu dzinochimbidza kuibva pamwe nembesa diki zvichitevera mashoko enyanzvi dzezvemamiriro ekunze ekuti mvura inogona kushomeka mwaka uri kutevera.

Vachitaura pamusangano wakaitwa nesangano reMeteorological Services Department muHarare munguva pfupi yadarika, mutungamiriri weZimbabwe Farmers Union, VaAbdul Nyathi, vakakurudzira varimi kuti vasarase tariro asi kuti vange vachitevedza mashoko anobva kunyanzvi dzekurima nevemamiriro ekunze. Vakataurawo nekuderera kuri kuita huwandu hwezvipfuyo kumatunhu anoti Matabeleland North, Masvingo, Midlands neMatabeleland South nekuda kwekushomeka kwehufuro.

“Mombe dzave kungoondoroka nokudaro varimi vanofanira kuona kuti zvipfuyo zvavo zvakachengetedzeka.

“Ndiyo nguva yekutenga kumwe kudya kunobatsira zvipfuyo uye kana varimi vasina mari vanogona kutengesa zvimwe zvipfuyo zvishoma zvavanoona kuti hazvina zvazviri kudzora votenga chikafu chezvipfuyo. Parizvino varimi vanofanira kunge vari mushishi kugadzirira minda yavo nekutenga zvekushandisa zvakadai sefetereza nembeu,” vakadaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vakarumbidza chikamu chinoona nezvemamiriro ekunze nekuyambira kwachakaita varimi nguva ichiripo sezvo zvichivapa mukana wakakura wekuita gadziriro.

Mashoko avo akatsinhirwa nemutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vachiti ongororo yakaitwa nevanoona nezvemamiriro ekunze ichabatsira varimi mukuronga kwavo.

“Kana varimi vakakwanisa kuwana zvekushandisa mukudiridzira minda yavo pamwe nekurima mbeu diki tinoona pachiita pundutso. Mbeu diki dzakakosha nekuti dzinogona kushandiswa sechikafu chezvipfuyo,” vakadaro.

Vachitaurawo pamusangano uyu, Mai Juliet Gwenzi avo vari kuchikamu chePhysics Department kuUniversity of Zimbabwe vakati kune dzimwe nzira dzechinyakare dzichiri kutevedzwa nevanhu kuti vange vachiziva mamiriro ekunze.

“Nzira idzodzi takaita ongororo kunzvimbo yeMutawatawa nekuGuruve tikaona dzichishanda zvikuru. Somuenzaniso, vanhu vanotarisa mafambiro emhepo uye kana ichinge yakanyanya zvinenge zvichireva kuti mvura inogona kutadza kunaya apowo shiri dzakadai seshuramurove, dendera, nhengure nehaya dzichiti kana dzikarira neimwe nzira mvura inobva yanaya pakarepo.

“Michero zvakare yakadai semazhanje, chakata, nhunguru, matufu, tsambatsi zvinoratidza kuti mwaka wegoho rakanaka kana ichinge iri kubereka zvakanaka,” vakadaro.

Zvakadaro, veMeteorological Services Department vanoti mvura mwaka unotevera inotarisirwa kutanga kunaya muna Zvita ichizochimbidza kupera muna Kukadzi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×