
Nyaya iyi yatenderedza vechikuru veko misoro sezvo paine mashoko anoti kakomana aka kakashereketa nevasikana 21 apo vana vacho vakazobata mimba.
Asi kakomana aka, ako katisingadure nezita sezvo kachiri pwere, kanoti pavasikana ava, iko kakamitisa vaviri – wemakore 13 neane makore 18 ekuberekwa – kwete vana sezviri kutaurika.
Kakomana ikaka, uko kane hukama naSabhuku Rusere, kanodzidza pachikoro chine zita rimwe chetero.
Mumwe wevasikana vaanonzi akamitisa, Constance Mudhindo (18), ihama yepedyo uye vaigara pamusha mumwe chete “pachakazoputika”.
Musikana wechipiri ari kunzi akamitiswa nekakomana aka (zita tinaro) ndiye ane makore 13 okuzvarwa achigarawo munharaunda imwe chete iyi, zvekare kakomaka aka kanoti, “Tinodanana plus mimba ndeyangu”.
Mwanasikana uyu ange achiita Grade 6 uye vose naConstance vakatosiya kuenda kuchikoro nekuda kwepamuviri pavave napo, pemudiki wacho paine mwedzi mishanu. Asi kakomana kari kuenderera mberi nechikoro.
Pakashanyirwa kuZaka neKwayedza svondo rapera, Constance haana kuwanikwa zvichinzi akaendeswa kuhama dziri kwaGutu mushure mechiitiko ichi.
Mukubuda kwenyaya iyi, kakomana aka kanonzi kakachecheudzwa nerimwe sangano rakazvimirira, izvo zvakazoita kuti atange kuita zvevasikana.
Achitsanangudza nyaya yake, mukomana uyu anoti: “Iko zvino ndave kushandira gore rechi15 rekuberekwa uye ndakashinha nevasikana ava gore rapera ndiine makore 14. Handina kushinha nevasikana 21 sezviri kutaurwa asi kuti vaviri, kusanganisira muzukuru wangu Constance.”
Anoti akabhadhara $40 kumba kwekasikana kadiki kane mimba “yekuchengeta mwana wangu ari mudumbu”.
“Pakauya baba vangu kubva kuSouth Africa, nyaya idzi dzakatongwa pamberi pasabhuku. Takatenderana kuti ndichengete vana vangu vari kuvakadzi vandakamitisa chete.
“Asi, ini zvangu ndinoshuvira kuti ndichinjwe chikoro nekuti ndanzwa nekusekwa nevamwe vana vechikoro nematicha,” anodaro.
Anodonongodza kumitisa kwaakaita vasikana ava achiti: “Zvakatanga apo taiitisana nharo dzezvekuchecheudzwa apo Constance aiti zvinhu zvisina kana nebasa rose ini ndichiti zvinoshanda nekuti takanzi munhu unogona kuzotanga kushinha mushure memazuva 64 sekuudzwa kwatakaitwa kuchikoro kwatakachecheudzwa.
“Saka munharo idzodzo ndimo mazvakabva. Zvakare, sevanhu vaigara pamwe chete, dzimwe dzenguva aindivinga mumba mandairara achiti anoda kuti tibatsirane kuverenga.”
Kakomana aka kanoti kakagara kachidanana nekasikana kadiki kane mimba uye achiri kuda musikana wake zvisinei nekuti vabereki vake vakaramba kuti aroorwe naye vachiti achiri mudiki.
“Ange ari musikana wangu uye ndichiri kumuda. Ndiri munhu anongofarirwa nevasikana vakawanda, handizivi kuti chikonzero chii.
“Baba vangu (zita tinaro) pavakauya vakaenda neni kuchikoro uko ndakanorohwa nemukuru wechikoro, mutevedzeri wake, murairidzi wechirume newechikadzi. Handizivi kuti ndakarohwa shamu ngani,” anotsanangudza mukomana uyu.
Imwe hama yake yepedyo, Mai Lilian Rusere (44), vanoti vaimbotsiura vana ava.
“Ndaimbovatsiudza ndichiti ndiwo magariro rudzii iwayo? Constance ndipo paaiti kutamba nemuswe waasekuru. Asi vana ava vairara mumakamuri akasiyana,” vanodaro.
Vanoti vakambofunga kuti kakomana aka kabviswe pachikoro cheko asi vakazvimisa sezvo vachiti nyaya iyi ichiri kumapurisa.
Imwezve hama, Mai Itai Mapepa (54), vanotiwo nyaya iyi yakavashamisa nekuti vaingofunga kuti achiri mudiki zvekusagona kupa musikana pamuviri.
“Isu zvakatishamisa nekuti hataifunga kuti pwere yakadai ingamitisa vakadzi vaviri panguva imwe chete. Takangofara kuti nyaya yacho yakazoendeswa kumapurisa kwavari kuitarisa,” vanodaro.
Imwe yehama dzekasikana kakamitiswa, yakaudza Kwayedza kuti: “Ndinoshora nyaya dzekuchecheudzwa idzi nekuti dzatipandutsira vana muno. Ko, mwana anongochecheudzwa vabereki vake vasingazvizivi sei vachingonzi ngavazadzikise mafomu ekubvuma kuchecheudzwa vari voga? Vana (kureva kakomana aka) vakachecheudzwa kuchikoro tikashaya kuti zvakaitirwei. Anotsiurika sei mwana anenge achecheudzwa?”
Imwe yehama dzekasikana kadiki aka, VaChristopher Mazanhi (40), vemubhuku raMachaya, vanoti “zvakaitwa nepwere idzi zvinoshamisa”.
“Isu makare taidhidha (kutuhwina) nevasikana asi hataifunga zvekushinha nekuti tairemekedza munhu wose, chero mutorwa. Iko zvino kuti titi chikafu here kana kuti mafirimu anoonekwa nevana tinozvishaya.
“(Zita rekasikanaka kekumitiswa) atosvitsa makore 13 uye anoti akatanga zvevakomana gore rapera. Isu takazozviziva munaZvita tave kungoona kusimba kwakange kwave kuita mwana. Takaenda naye paMadhloro Clinic uko akanzi ane pamuviri.
“Nhumbu iyi inofanira kunge yava nemwedzi mishanu kana mina, tinotoda kuti mukomana wake atipe mari yekuende kusikani kunotariswa kuti mwana akagara zvakanaka here mudumbu uye mwedzi yacho nekuti chero iye musikana wacho haazivi,” vanodaro.
Vanoti vakaenda nemwanasikana uyu kuNdanga Hospital neMusiso Hospital uko machiremba akati chibharo nekudaro imhosva yaifanira kumhan’arwa kumapurisa.
“Takazoenda kumapurisa asi vakangoti vose mukomana nemusikana vana vadiki nekudaro nyaya haina kuenda kumatare edzimhosva. Isu takazvitambirawo tikaona zvisingakodzeri kuti tiendese mwana kumurume nokuti vose vachiri vadiki, tinosungwa.
“Kunyangwe iye musikana achiti anoda kuenda kumurume, hatimubvumidzi, tichamuchengeta uye kana asununguka tinoda adzokere kuchikoro,” vanodaro.
Vakatsinhira kuti vakapihwa $40 nemhuri yekakomana kekumitisa vasikana ava.
“Isu takangoenda kunovazivisa kuti mwana wavo akamitisa mwana wedu nekuti vazive kuti tine mwana wavo kwedu (kureva nhumbu). Saka takabvumirana kuti vachachengeta mwana wemwana wavo ari kwedu uyu vakafana kutipa $40 yekuti atsvage kudya asi zvimwe zvose zvekunyoresa nekutenga mbatya dzemwana hazvisati zvavepo.”
Mai Prisca Mazanhi (60) vanotiwo vari kuziva nezvenyaya iyi.
“Izvi zvakaitwa zvakatishatirisa. Zvenhumbu iyi zvakanobudira kuchipatara musi wa9 Zvita gore rapera. Ndinoshora dzidzo ini nekuti sainzi dzave kufundiswa muzvikoro dzave kupandusa vana. Kare zvaisaveko, iko zvino vana vanoedza kutevedzera zvavanofundiswa. Amai vemusikana uyu vari kunze kwenyika,” vanodaro.
Mbuya Neddy Kwanisai (86) vanotiwo vakakahadziswa nezvakaitika.
“Mwana (kureva kasikana) akashinga iyeyu, kana kutaurira kana munhu 1 kuti ashata? Matv nemafoni zvatipedzera vana, vanenge vachingoratidzwa vanhu vasina kupfeka,” vanodaro.
Pakakataura nevatori venhau, kasikana aka kakati kane mimba yemukomana mudiki uyu.
“(Zita) mukomana wangu uye takabvumirana. Kuchikoro handichadi kudzokera nekuti ndakasekwa nevamwe vana vachiti ndine mimba uye mamwe maticha ndakatonzwa vachiudza vamwe vana vechikoro nezvenyaya yacho vachiti musazoita sa*** akamitiswa.
“Mukomana wangu ndinomuda uye ndinoda kuenda kunogara naye asi ndiri kurambidzwa vachiti ndiri mudiki,” akadaro mwanasikana uyu achinyara-nyara.
Tauzeni Ngwenya (36) anove mushandi waSabhuku Rusere anoti iyi inyaya yakaoma.
Helen Padare (23) wekwaSabhuku Padare anotiwo iyi misikanzwa yevana.
Zvakadaro, Mai Spiwe Imbayarwo (45) vekwaSabhuku Bwawanda vanoti hazviite kuti pwere dziroorane asi kuti ichi chidzidzo kune vabereki kuti vasararise vana mukamuri imwe chete yemba zvisinei nekuti vane ihama nekuti vanoitirwa mashura seaya.
Mumwe murapi wepaMadhloro Clinic, kwakare kuZaka, panove pakavhenekwa nhumbu yekamwana aka anoti nyaya dzekumitisana kwepwere dziri kuwanda nokudaro vabereki vanofanira kucherechedza vana vavo apo vanoyaruka.
“Kana mwanasikana achinge angotangisa kutevera kana kumera mazamu, anogona kuita pamuviri kana asiri kutora mishonga yekurera mhuri. Zvimwe chetezvo nemwanakomana, anenge ayaruka apo anosanduka izwi richiita gobvu, anogona kumitisa zvisinei nekuti ane makore mashoma se10 chaiwo,” anodaro.
Kwayedza haina kutaura naSabhuku Rusere vanove vakatonga nyaya iyi kudare ravo sezvo vakanzi vainge vaenda kuBeitbridge.
Vanoona nezvechirongwa chekuchecheudzwa kwevanhurume munyika yose, veNational Male Circumcision Programme, vachishandira pasi pebazi rezveutano nekurerwa kwevana, pavakabvunzwa nezvedzidziso yavanopa kuvanhu mushure mekunge vachecheudzwa vakati Kwayedza itumire mibvunzo kwavari izvo zvayakaita.
Zvisinei, kusvika pakudhindwa kwebepanhau rino, vainge vasati rapa mhinduro dzemibvunzo yavakatumirwa.



