Kambani yovimbisa kuendesa shasha kuJapan

KAMBANI yeWorld Navi Zimbabwe iyo iri kukotsvera ligi reDivision One Northern Region yakazivisa kuti ichatumira mutambi wenhabvu achahwina mubairo weSoccer Star of the Year muligi iri kuJapan uko achanoita matrials nezvikwata zveko.

Achitaura svondo radarika muHarare apo paipururwa chirongwa cheWorld Navi Northern Region Soccer League Car Raffle, chamangwiza weWorld Navi Stanley Makombe akati mutambi wemuligi iri uyo achavhoterwa kuve Soccer Star of the Year achapihwa motokari zvakare.

Makombe anoti zvakakosha kuti masangano akasiyana akotsvere ligi iri sezvo zvichibatsira kusimbaradza mutambo wenhabvu. “Isu seWorld Navi chinangwa chedu chikuru kusimudzira pamwe nekusimbisa nhabvu yekuDivision uko takaona kuti yakarongeka zvikuru.

“Gore rino mutambi achahwina mubairo weSoccer Star of the Year tichamupa motokari uye pamusoro pazvo tomutumira kuJapan uko achanoita matrials nechimwe chikwata chikuru chine mukurumbira muJ-League.

“Chirongwa chataparura cheCar Raffle chiripo kubatsira kutsvaga mari yekudira mumutambo uyu uye patikiti rese richatengwa mari yacho ichabatsira zvikwata zvese zvinokwikwidza muligi reWorld Navi Northern Region Division One,” akadaro Makombe.

Zvakadaro, svondo radarika zvikwata zvinoti Black Mambas neMushowani Stars zvakahwina tikiti rekupinda musemi-fainari yeYadah TV Top 8 Knockout Tournament.

Black Mambas yakakunda Flame Lilly 4-3 kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 2-2 kuNyamhunga Stadium kuKariba uye musemi-fainari ichasangana neNgezi Platinum.

Mushowani Stars yakahwina tikiti rayo mushure mekurakasha Lake Harvest 3-1 uye ichasangana neGunners FC musemi-fainari.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×