Komiti itsva yesoftball

Abel ndooka —
SANGANO reZimbabwe Softball Association rinoti rakagadza komiti itsva ichatungamirira mutambo uyu muHarare Metropolitan Province nechinangwa chekuusimudzira sezvo wadzikira zvikuru.

Komiti iyi – iyo ichange ichitungamirwa naElizabeth Mabugu – iri kutsiva yaitungamirwa naRuvimbo Dzimba.

Muchinyorwa chakatumirwa nemutungamiri weZimbabwe Softball Association – Stonard Mapfumo – anoti komiti itsva iyi ichange ichiona mafambisirwo ezvirongwa zvesoftball muHarare kwegore rimwe chete.

Anoti inotarisirwa kuronga mitambo yakasiyana pamwe nezvirongwa zvekuusimudzira.

“Takabvisa komiti yaivepo kare yaitungamirwa naDzimba nekuti hapana zvayange ichiita, yaingovepo asi hapana chatakamboona chavaiita.

“Basa range risingafambe. Tiri kuda chaizvo kuti softball irambe ichisimukira zvino kana tine vatungamiri vasina zvavari kuita hapana kwatinosvika.

“Ndosaka takaona zvakakodzera kuti tigadze vamwe avo tinovimba kuti vanogona kushanda kuti mutambo wedu uende kure,” anodaro Mapfumo.

Anoenderera mberi achiti, “Komiti itsva iyi ichabata basa kwegore rimwe chete uye kana chikamu chavo chadarika tichaona kuti vanga vachigona basa here tozoongorora basa ravo gore rinotevera.”

Dzimwe nhengo dzekomiti itsva iyi dzinosanganisira Ephraim Katongo uyo anove mutevedzeri waMabugu, Fungai Mutoya (secretary-general), Elizabeth Chishaya (vice secretary general), Kudzai Vengesai (treasurer), Kudzionera Madhodha (public relations and marketing) naGrant Machikiti (technical development officer).

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×