‘Koshesai curfew’

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira veruzhinji – zvikuru vatyairi vemagonyeti nedzimwe motokari – kuti vasiyane netsika yekufamba munguva isingatenderwe pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (curfew) sezvo kunze kwekutyora mutemo, vanogona kusangana nenjodzi yekubirwa kana kukuvadzwa nemakororo.

Yambiro iyi inotevera nyaya dzekubirwa kwevatyairi vemagonyeti anobva kunze kwenyika mumugwagwa weHarare-Masvingo pakati pehusiku.
Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, veruzhinji havatenderwe kufamba kubva nenguva dza10 husiku kusvika 5:30 dzemangwanani.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanozivisa nezvemakororo maviri akasungwa nekuda kwemhosva dzekugarira marori mumugwagwa weHarare-Masvingo achiba zvinhu zvakasiyana.

“Semapurisa kuti tichengetedze mitemo zvizere, zvinoda kushanda pamwe chete neruzhinji tichicherechedza mirawo yose yenyika, zvikuru yekurwisa Covid-19. Izvozvi kubva nenguva dza10 husiku kusvika 5:30 mangwanani hakuna munhu anotenderwa kufamba kunze kwevane magwaro anovatendera kuita izvi anobva kumapazi anozivikanwa.

“Tine dambudziko revanhu vedzimotokari nevemarori vanofamba panguva dzisingabvumidzwe idzi vari kuguma vabirwa nematsotsi kana kupondwa nekubhinywa,” vanodaro Insp Chazovachii.

Dambudziko rekubirwa pakati pehusiku iri vanoti ranetsa mumugwagwa weHarare-Masvingo apo marori anenge achikwidza makata kana kuti vatyairi vachifamba nemigwagwa ine gangarabwe panzvimbo dziri kugadzirwa mugwagwa mukuru uyu unobva Harare kuenda kuBeitbridge.
“Matsotsi aya ari kutora mukana wevatyairi vanofamba husiku vovabira zvinhu. Saka tinoti kune vemarori nevemotokari duku, kana vakaona nguva dzecurfew dzakwana, ngavatsvage pavanomira vozorora zvavo mumotokari dzavo kusvikira nguva inobvumirwa kufamba yakwana.
“Izvi zvinovachengetedza kubva kumatsotsi uye voregawo kunetsana nevemitemo ine chekuita neCovid-19.”

Insp Chazovachii vanoti kune varume vaviri vanobva muHarare vanoti Evans Machingura (25) naAlouis Mauna (22), vose vekuHopley Zone 2 vakasungwa nenyaya dzekuba mumarori nemune dzimwe motokari diki mumugwagwa weHarare-Masvingo.

“Takasunga vaviri vevarume vanofungidzirwa kuti vaigarira marori pakati pehusiku vachicheka matende voba zvinhu zvakasiyana nekubirawo vedzimotokari duku. Tine vamwe vatatu vachiri kutsvagwa nemapurisa nekuda kwenyaya imwe chete iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.
Vanoti mhosva zhinji dzinoratidza kuti dziri kuparwa nenguva dza12 pakati pehusiku kusvika kuma4 mangwanani inova nguva yecurfew.
Insp Chazovachii vanoyambirawo veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutenga zvinhu mumikoto sezvo vachigona kuguma vasungwa nemhosva yekutenga zvakabiwa.

“Tinotenda veruzhinji nekushanda nemapurisa zvakanaka, vanotipa mashoko anoita kuti tikwanise kusunga vapari vemhosa sezvakaitika munyaya iyi,” vanodaro Insp Chazovachii.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×