Mwana wechikoro haasati awanikwa

Kingstone Mapupu

MWANA musikana ane makore 12 okuberekwa wekuRuwa – uyo akatsakatika munaKurume gore rino apo akakwidzwa motokari yaienda kuMabvuku, muguta reHarare kwaaidzidza achigara naambuya nasekuru vake – anonzi haasati awanikwa.

Abigail Marecano aipinda Giredhi 7 pachikoro cheTashinga Primary School kuMabvuku uye akashaikwa apo anonzi akakwidzwa motokari yerudzi rweToyota Wish achibva kuRuwa ava kudzokera kumba kwaambuya vake kuMabvuku.

Nyaya yekushaikwa kwemwana uyu yabuda muKwayedza kakawanda.
Baba vaAbigail, VaAleck Marecano (40), vanoti mwana wavo haasati awanikwa.

“Mwana wangu akabva kumba kwevabereki vangu kuMabvuku achiuya kwangu kuSolomio, kuRuwa kuzororo uko akasvikogara. Akazoronga zvekudzokera sezvo zvikoro zvakanga zvave kuvhurwa apo akaperekedzwa nasisi vake, Idah Marecano (20), akasvikomukwidza motokari yeWish pachiteshi cheSamutoko. Ndipo pakagumisira kuonekwa mwana uyu,” vanodaro VaMarecano.

Vanoti mumotokari iyi munonzi maiva nevanhu vashoma iyo yakabva yasimuka yakananga kwaTM uko mwana uyu anonzi aitarisirwa kunoburuka achizotsvaga motokari dzekuenda kuMabvuku.

“Sekutaura kwatagara tichiita, mwana uyu haasati awanikwa. Ndinokumbira kune veruzhinji kuti vandibatsirewo panyaya iyi ndikwanise kuwana mwana wangu ari mupenyu, kunyangwe akafa nekuti handizive zvakaitika kwaari.

“Kune vanoda kundibatsira vanondibata panhare dzinoti 0773 026 674 kana 0712 723 285. Ndatambura uye ndaneta kufamba ndichibvunzira kumaporofita zvose nekun’anga,” vanodaro VaMarecano.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya yekushaikwa kwemwana uyu ichiri kuferefetwa uye vanokumbira kune vane ruzivo nezvekutsakatika kwake kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×