Lockdown itsva yorumbidzwa

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kutambira nemaoko maviri matanho matsva akatorwa neHurumende ekusimbaradza kurwisa chirwere cheCovid-19 zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri munyika muno.

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika – Vice President Constantino Chiwenga, avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vakazivisa nezvematanho matsva aya nemusi weMugovera.

Pasi pematanho aya, magungano ose haazi kutenderwa kusara kweparufu apo vanhu vanenge varipo vasingafanirwe kudarika 30.

Imwe shanduko iripo kuderedzwa kwakaitwa nguva dzekushanda neawa rimwe chete apo vashandi vachatanga basa na8am vachipedza na6pm.

Vezvitoro zvinotengesa doro (bottle stores) vava kuvhura na10am vachivhara na4 dzezuva rodoka uye vatengi havachatenderwi kunwira doro panzvimbo dzavanenge varitenga.

“Tinofara zvikuru nedanho rakatorwa neHurumende nekuti vamwe vanhu vanga vava kurasa muswe sezvinonzi chirwere ichi chatopera. Vakawanda vanga vasisapfeke mamasiki uye vave kuungana mumachechi nekumisika,” vanodaro Mai Siceclsiwe Nkala (40) vekuBudiriro 5B, muHarare.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Diana Dzinga (60) vekuGlen View vachiti mamasiki anotofanira kupfekwa nemazvo uye vanhu vachigeza maoko avo nesipo nemvura yakachena.

“Kana tikanzwa izwi rekuti Covid-19, tinotanga kufunga rufu saka vanhu vangaomerwa here nekutora matanho anodzivirira rufu kwavari? Zviri nyore kugeza maoko, kusaungana nekuenda kunobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 pane kuti vanhu vazoyeuka bako vanaiwa,” vanodaro.

Shannie Chakanyuka anotenda Hurumende nekuona kuti nzvimbo dzakaita seKwekwe, idzo dzakabatwa vanhu vaine mhando yeCovid-19 yekuIndia, dzaiswa pachirongwa che”lockdown” kuitira kuti chirwere ichi chisatekeshere kune mamwe matunhu enyika.

VaCharles Dewa vanova nyanzvi yezvekutengeswa kwezvirimwa vanoti mitemo mitsva yekurwisa Covid-19 yakakosha zvikuru zvisinei nekuti varimi vane mikana yekurasikirwa nemari apo vanokundikana kuenda kumisika kunotengesa zvirimwa zvavo nenguva.

“Varimi vazhinji vacharasikirwa nekuti kumisika kunenge kusisabvumirwe vanhu vakawanda nokudaro izvi zvichaita kuti mitengo yezvinhu ikwire nekuti zvinenge zvava zvishoma. Varimi vakadai sevemakerotsi, matomatisi, miriwo nebhinzi nyoro, zvinova zvirimwa zvinokurumidza kuora, vanogona kurasikirwa nekuti zvinofanira kukasika kuendeswa kumisika.

“Asi zvakakosha kuchengetedza upenyu pane kuvavarira kubata mari. Tinoramba tichikurudzira varimi vedu kuti vatevedzere matanho akatarwa neHurumende,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×