Matsime aoma kuRushinga

Kingstone Mapupu

VAGARI vekwaMambo Rusambo, kuRushinga, vanoti vane dambudziko guru rekushaya mvura yakachena zvekuti vave kutorarama neyekuchera mumifuku munzizi.

Kuwanikwa kwemvura yakachena kwakakosha zvikuru muraramo yevanhu sezvo kuchibatsira kudzivirira kunyuka kwezvirwere zvemanyoka pamwe chete neCovid-19.

Sabhuku Matope, VaChakanetsa Matope (40), vekudunhu iri vanoti nzvimbo yavo ine zvibhorani zvishoma uye zvimwe zvacho zvakafa izvo zvinoita kuti vanhu nezvipfuyo vasangane nedambudziko remvura.

“Taita dambudziko guru rekushaya mvura yakachena kuno kuRushinga kunzvimbo dzinosanganisira Nyamatikiti, Muronda, Chinete, Mushawepwere, Huruma neMakachi. Hakuna zvibhorani zvinokwanirana zvekuti tave kunochera mvura mumifuku kunzizi dzinosanganisira Mazowe,” vanodaro Sabhuku Matope.

Vanoti zvibhorani zvishoma zviriko zvakachereswa neHurumende nemasangano akazvimirira asi zvimwe zvacho hazvisi kushanda.

“Nguva ino tine chirwere cheCovid-19 icho chinoda kuti tiite hutsanana tipote tichigeza maoko nemvura inochururuka nguva nenguva uye tichishambidza nzvimbo dzatinogara kusanganisirawo kuzvimbuzi.

“Zvose izvi hatizvikwanise kana tisina mvura yakachena. Hongu, mvura yakanaya asi kuno kunopisa zvakanyanya zvekuti matsime nemigodhi zvinokasika kupwa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Nancy Mangwiro (27) vekuWard 14 kwaRusambo, kuNyamatikiti vachiti dambudziko rekushaya mvura yakachena iguru.

“Izvozvi mvura yakanaya asi nekuda kwekuti nzizi dzedu dzakafushirwa nejecha, hadzichachengeta mvura. Saka tinochera mifuku kuti tiwane mvura.

“Zvibhorani zvishoma uye zviri kure nakure zvekuti tinofamba makiromita anodarika gumi. Mvura iyi tinongonwa isina kufashaidzwa, iine tsvina zvekuti zvine njodzi yekuti tinoguma tave kuita manyoka, zvikuru vana,” vanodaro Mai Mangwiro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chikumbiro chedu kuti dai tagadzirirwawo zvibhorani zvakafa kuti zvishande nekuchererwa zvimwe zvitsva sezvo chimwe chete chinoshanda kuno chiri kure.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×