MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kutsvaga Kudakwashe Mandizvidza (18) uyo akatsakatika pakutanga kwegore rino.
Kudakwashe anonzi akapedzisira kuonekwa musi wa22 Ndira muguta reHarare.
Mutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanoti musikana uyu mutsvuku, aine vhudzi dema uye ane hurefu hungaite mamita 1,4.
“Mwana uyu akapedzisira kuonekwa panosangana mugwagwa waRobert Mugabe naHarare Street, muguta reHarare, achiita sekunge ari kuenda kuKuwadzana 1 uye aigara panhamba 483 Kuwadzana 1,” vanodaro.
“Tiri kukumbirisa kuti kana paine vane ruzivo nezvemwana uyu vazivise mapurisa ari kuchikamu chinoona nezvekufambiswa kwemashoko panhamba dzinoti (04) 771874 kana mapurisa ari kuchikamu cheVictim Friendly Unit panhamba dzinoti (04) 774002.”




