VANA veO-Level vanotarisirwa kubatsirika zvikuru muzvidzidzo zvavo zvichitevera chirongwa chepadandemutande chekuti vabudirire mubvunzo kuburikidza nekufundiswa mapindurirwo anoitwa mibvunzo.
Chirongwa ichi chakatangwa neimwe kambani yakazvimirira, yeZimApps Empire, uye ndeche dandemutande rinonzi Greenbook App iro rine mapepa ebvunzo dzeZimsec akambonyorwa pamwe chete nemhinduro dzacho.
Mukuru wekambani iyi, VaKevin Ngalonde, vanoti vakagadzira dandemutande iro vadzidzi vanokwanisa kuritora paInternet voisa panharembozha vachizoverenga vari kudzimba dzavo.
“Dandemutande iri rine mibvunzo yakanyorwa kare nevadzidzi veForm 4 yebvunzo dzavanopihwa neZimsec uye mhinduro dzacho dziripo. Chinangwa chedu kuti vana vasaita husimbe hwekuverenga vachiti vanoremerwa nemabhuku nekuti zvose zviri pafoni ipapo, chavo kungotora paInternet panowanikwa dandemutande iri. Izvi zvinoita kuti mwana wechikoro akwanise kuita zvinhu zvake pane dzimwe nguva paanenge asingakwanisi kubata riri bhuku chairo. Anogona kuverenga chero ari parwendo kana kuti achiita mamwe mabasa akareruka ekuti anombopota achitarisa pafoni pake,” vanodaro VaNgalonde.
Vanoti nharembozha kana ikashandiswa nemazvo, inobatsira mukuvandudza dzidzo. “Ndakatora mukana wekuti ruzhinji rwevana vari kuzvikoro vanenge vaine mafoni nguva zhinji. Kuisa Greenbook pafoni inzira yekuti vasangoshandisa mafoni aya zvisinei nechikoro asi kuti foni ibatsirewo mukudzidza kwemwana.”




