Vadzidzi vofundiswa nezveutano hwavo

SANGANO reZimbabwe Medical Students Association (ZIMSA) rakatanga chirongwa chekufamba mumayunivhesiti nemakoreji richipa vadzidzi ruzivo maererano nekukosha kwakaita kuchengetedza utano hwavo.

ZIMSA, rinove sangano rakaumbwa nevadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe, riri kunyanya kudzidzisa pamusoro pezveutano hwesikarudzi (sexual and reproductive health) pasi pechirongwa chinonzi Imunzi Project.

Mukuru wesangano iri, Auxilia Govera, anoti vakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kuti ruzivo pamusoro pekuchengetedza utano rwuri kuperevedza kuvadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji.

“Vadzidzi vemumakoreji pamwe nemayunivhesiti vanofanirwa kuva neruzivo rweutano, zvikuru utano hwesikarudzi,” anodaro Govero.

Anoti donzvo resangano ravo nderekuvandudza ruzivo rwevadzidzi ava panyaya dzeutano pamwe nekuti vazive pavamire maringe neHIV neAids kuburikidza nekuongororwa ropa.

“Isu tiri kushanda takabatana nesangano reUnited Children of Africa pamwe neDanish Medical Students mukuvandudza ruzivo rweutano rwevadzidzi,” anodaro Govore.

Anoenderera mberi achiti vanoita misangano nevadzidzi ava vachivapanga mazano.

“Izvi tinozviita kuti vazokwanisa kudzidzisawo vamwe munharaunda dzakavapoteredza nekwavanogara,” anodaro Govore.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *