‘Kufirwa imhosva here?’

Tafadzwa Mutsotso —
MUMWE murume anoti ari kuoneswa pfumvu nehama dzemukadzi wake, uyo ava mushakabvu, idzo dzakamubhadharisa $100 mushure mekunge abvisa chitofu chemufi uyu pamagetsi zvisina mvumo yavo.

Charlse Muenzanise akamhan’arira varamu vake vanoti Sibusisiwe Bayayi naPetronella Nada kudare reHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare.

“Vanhu ava vane hundyire hwakashata chose. Vanouya kumba kwangu vari chikwata vachida kundirwisa apo mota dzinenge dzakapakwa kunze kwegedhi dzekutakura zvinhu zvangu kuti ndibve pamba pangu pandakavaka ini nemudzimai wangu. Imhosva here kuti mudzimai wangu akafa?” akadaro Muenzanise.

Anoti nguva yadarika akaripiswa nehama dzemukadzi wake mushure mekunge abvisa chitofu chavaishandisa pamagetsi achiisa chimwe. “Ndakabvisa chitofu chaishandiswa nemudzimai wangu pamagetsi ndichiisa chitsva vakandiripisa $100 vachiti ndakazviitirei vasipo. Ndakavapa $60 saka ndasarirwa nekuvapa $40. Mari yavo ndinovapa handirege, chero zvazvo zviri zvinhu zvisina basa zvekuda kungodyirana mari nekukaurisana.”

Akaenderera mberi achiti: “Vakauya vakatakura midziyo inosanganisira zvitofu, makitchen unit, mubhedha nematerevhizheni sezvinonzi handina kuroora kana kuita vana nehama yavo. Mukadzi wangu achiri mupenyu, vaimufonera neprivate number vachitaura zvinotyisa kusvikira tazozvibata kuti ndivo.” Bayayi naNada vakaudza dare kuti havasi kurwisana nemuramu wavo asi kuti vaingoenda kumba kwake vachibvunza $40 yakanga yasara pamari yavakamuripisa.

“Hatimbovarwise babamukuru asi kuti tinongoenda kumba kwavo tichida mari yatakawirirana kuti vatipe pachitofu. Zvimwe zvose zvavari kutaura manyepo nekuti handina kana musi wandakambovatuka,” akadaro Bayayi.

Mashoko ake akatsinhirwa naNada achiti haana kana musi waakamboshungurudza Muenzanise. Mutongi Sharon Rakafa akapa Muenzanise gwaro redziviriro ndokuti vatatu ava kana pane zviri kunetsa pakati pavo vagadzirisane murunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×