Kugara pamba kwakubhowa: Siyachitema

Abel Ndooka
MURAIDZI wechikwata chenetball cheGlow Petroleum, Perpetual Siyachitema, anoti kungogara pamba kwave kubhowa uye anoshuvira kuti kudai chirwere cheCovid-19 chachipera kuitira kuti adzokere kubasa rake raanodisisa.

Kubva pakatanga chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus, Siyachitema anoti ange agere zvake mumba make asi achitora mukana uyu kumborairidza vatambi vake achishandisa dandemutande reWhatsApp.

Anoti ari kutora mavhidhiyo otumira vatambi vake paWhatsApp uye ivo vazomutumirawo zvavanenge vachiita vari kudzimba dzavo.

Anoti mutambi wenetball haafanire kuramba akangogara chete nekuti zvinogona kuzokanganisa muviri wake akazotadza kutamba zvakanaka mutambo uyu.

“Kana uri mutambi wenetball kana mimwe mitambo, haufanire kupedza nguva refu wakangogara asi kuitawo gadziriro nekuti panozonzi mutambo ichitambwa muviri wako hauzoneta. Ini vatambi vangu ndiri kuvatumira mavhidhiyo paWhatsApp andinenge ndazvitora ndiri kumba ndovati itai izvi. Ini ndinozoda kuona mavhidhiyo vachitevedzera zvandinenge ndavatumira kuti vaite,” anodaro.

Kubva zvaakadzoka kuLiverpool gore radarika uko kwaakatungamira maGems kumutambo weVitality World Cup, Siyachitema akabva asendeka zvekutamba mutambo uyu ndokutanga kuurairidza.

Anoti netball ndiwo hupenyu hwake saka naizvozvo amirira kuti coronavirus ipere agodzokera kubasa rake raajaira.

“Kuramba takangogara padzimba hakuchanakidze, coronavirus ngaichipere tidzokere kumabasa edu atajaira,” anodaro.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *