Tiri kuronga kudzora nhabvu: Zifa

Abel Ndooka
MUKURU wesangano rinoona nezvenhabvu muno reZifa, Felton Kamambo, anoti hutungamiri hwenhabvu huchasangana svondo rino kuti vagokurukura nechinangwa chekuti mutambo uyu udzoswe asi uchizotambwa pasina vatsigiri.

Nhabvu yemuno yaifanirwa kunge yakatanga muna Kurume kana Kubvumbi asi nekuda kwechirwere cheCovid-19, yakambomiswa senzira yekuti vanhu vasaungane uye chirwere ichi chisapararire.

Muhurukuro neKwayedza, Kamambo anoti Zifa nemamwe masangano enhabvu anosanganisira Premier Soccer League (PSL) vachasangana kuti vagoronga gwara rekufamba naro iro vachazopa kuSports and Recreation Commission.

“Hutungamiri hwenhabvu tichasangana svondo rino tironge kuti tofamba nenzira ipi iyo inoita kuti nhabvu yedu idzoke. Chimwe chinhu chikuru chatichakurukura kuti nhabvu itambwe pasina vatsigiri, kana pane zvatinenge tawirirana tichazvipa kuSRC vozvizeya ivo vozotiudza kuti zvinoita here,” anodaro Kamambo.

Anoenderera mberi achiti kuti nhabvu igotambwa pasina vatsigiri richave dambudziko guru kuzvikwata zvizhinji sezvo zvakawanda zvichirarama nemari iyo zvinowana pagedhi inenge yabhadharwa nevatsigiri.

Asi anoti ivo sesangano vakazvipira kubatsira zvikwata zvose zvemuno neimwe mari yekuti zvifambise mabasa azvo kuitira kuti zvisazonyanyoremerwa.

“Isu tichabatsira zvikwata zvose nekubhadhara imwe mari yakafanana neyevaridzi vepembe, chikuru chatiri kuda kuti nhabvu itambwe uye zvikwata zvedu zvisanyanyoremerwa.

“Kune dzimwe nyika sekuEurope nhabvu yave kutambwa isina vatsigiri saka isu tokwanisa kuzviitawo,” anodaro Kamambo.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *