Kukwira kwemitengo yemafuta ezvifambiso: Hurumende yopindira

Munyori weKwayedza

HURUMENDE yapindira mukubatsira vatengi vemafuta ezvifambiso akadai sepeturu nedhiziri nekuredza mari yemitero nechinangwa chekudzivisa kukwira kwemitengo zvakanyanya zvichitevera kukwira kuri kuita mitengo iyi pasi rose nekuda kwehondo yekuMiddle East.

Nomusi weChitatu, bazi reZimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA) rakazivisa kuti kutanga nemusi wa4 Kurume, mutengo wepeturu uchakwira kuenda paUS$1.71 parita rimwe chete uye wedhiziri uchiendawo paUS$1.77 parita.

Mitengo yaivepo isati yakwira inoti US$1.56 parita repeturu uye US$1.52 parita redhiziri.

Kudai Hurumende isina kupindira, mutengo wepeturu waifanirwa kuenda paUS$1.90 parita rimwe chete uye wedhiziri uri pa$1.81 parita.

Muchinyorwa, ZERA inoti Hurumende yakadzikisa mimwe yemitero inofanirwa kubhadharwa pakutengeswa kwemafuta ezvifambiso.

“Mitengo iri pamusoro iyo yakavepo zvichitevera kudzikiswa kwakaitwa neHurumende mimwe yemitero nechinangwa chekurerutsira vatengi kubva mukukwira kwakanyanya zvichitevera shanduko iri kuitika mumusika wepasi rose,” inodaro ZERA.

Zimbabwe neSouth Africa zvakazivisa nezvekukwira kwemitengo yemafuta ezvifambiso zvichitevera kukwira kwaairi kuita pasi rose nekuda kwehondo iri kuMiddle East.

Zimbabwe inotenga mafuta ayo ose ezvifambiso kunze zvinoita kuti kana mitengo yacho ikakwira pasi rose inobva yakwirawo munyika.

Vachitaura mudare reNational Assembly (Paramende) nemusi weChitatu, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Dr Zhemu Soda, vanoti Hurumende iri kuongorora zvakanyanya zviri kuitika kuMiddle East maringe nekuwanikwa kwemafuta ezvifambiso pamwe chete nemitengo yacho.

Vanoti Zimbabwe pari zvino ine mafuta ezvifambiso anokwanisa kupedza mwedzi miviri kana mitatu panguva iyo mamwe ari munzira kubva kunze.

“Zvinotaridza kuti tine atakachengeta anogona kupedza mwedzi miviri kana mitatu,” vanodaro Dr Soda.

Zvisinei, vanoti kukwira kwemitengo pasi rose kunogona kukonzerawo kuti mafuta ezvifambiso aya akwire zvakare munyika.

“Hatikwanise kuvimbisa kuti mitengo haizi kuzokwira kana kudzika. Mitengo inoenderana nekudiwa kwaanenge achiitwa. Asi kana nzira dzatinoshandisa mukuunza mafuta aya dzichikanganiswa, zviri pachena, mitengo inotevedzera zvichienderana nemamiriro ezvinhu,” vanodaro.

“Nekuda kwehondo iyi, dzimwe nzira dzakatovharwa,” vanodaro Dr Soda.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *