‘Mufundisi unodanana nemudzimai wangu’

Janet Chari
MUFUNDISI wekuenda kudare achida gwaro rekuzvidzivirira mushure mekupomerwa mhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi akazoshaya pekupinda nekunyara apo chikumbiro chake chakaraswa.

Nathan Ndaza akamhan’arira Crispen Muchabaiwa kuHarare Civil Court achiti ari kumupomera kudanana nemudzimai wake.

“Inini ndakangobatsira nekuvayananisa sezvo vainge vauya kukereke kuzoyananiswa, izvi zvekuti ndakaputsa musha wake handizvizvi,” anodaro Ndaza.

Anoti ave kutyira upenyu hwake pamwe chete nemhuri yake nekuda kwezviri kutaurwa naMuchabaiwa .

“Muchabaiwa ari kuti anoda kuuya kuzonditora asi handizivi kuti anoda kuenda neni kupi uyezve kunoitei. Ndave kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Ndaza.

Anoenderera mberi achiti: “Mashoko ari kutaurwa naMuchabaiwa ari kukanganisa basa rangu neruremekedzo rwandinopihwa saPastor kukereke kwangu.”

Muchabaiwa anoudza dare kuti anoda kuziva kuti sei Ndaza achitora mukadzi wake kumba kwake panguva yehusiku achienda naye kwaasingazive.

“Anouya kumba kwangu husiku achitora mukadzi wangu achienda naye uye mukadzi wangu haachasiyani nenharembozha yake. Dzimwe nguva unomuka uchimuona ari paWhatsApp pakati pehusiku achitaura naye,” anodaro Muchabaiwa.

Muchaibaiwa anoti akatoendesa mukadzi wake kumusha kwake nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakaona mufananidzo waNdaza mufoni yemukadzi wangu ari kumitambo kuchikoro kwemwana wangu ini ndisingazivi zvikaita kuti ndizoendesa mukadzi wangu kumba kwavo,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaNdaza achiti haana kupa humboo huzere hunoratidza mashungurudzirwo aanoti ari kuitwa naMuchabaiwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×