Kunyora tsamba yebasa

Ticha Danga
DZIMWE dzenyaya dzatinonyora munenge makambodzinzwa mugwaro rapfuura asi ngatirangarirei kuti mabhuku haasiyi zvidzidzo nekuti wakambosangana nawo kwete. Chiripo ndechekuti zvavamo mugwaro mawapinda zvawedzera chete nekudaro wotora zvawakadzidza kumashure wozvisanganisa nezvowosangana nazvo wobava wakura pafungwa zvekuti hapachisina zviya zvekutatamutsa chitoo nembambo. Unenge wakatogadzirira zvakakwana.

Chikamu chapera taizeya yerondedzero dzetsamba tikabuda netsanangudzo yeimwe chete yeushamwari (informal letter). Rwendo rwuno tinoda kuyechidzana pamusoro pemanyorerwo etsamba yebasa (formal letter).

Sekutaura kwandaita pekutanga, tingange tichiziva kana tagara tichitaurirwa kubva kwatakabva asi hazvirevi kuti hatichanyora tsamba rwendo rwuno. Tava kuchinyora tsamba dzisina mhosho nekuti tabve zera, tava kuchitanhaura twunhata twose twaida kusveta patanga tichifanira kukohwa pakuru.

Mutemo unotiudza kuti kero ngaitangire pakati pepepa tichienda kurudyi, iya inozi “half-block format”. Manyorewo ekero aya haasati ashandurwa chero zvazvo zvava kubvumira kunyora kero dzose kuruboshwe uchidzika (full-block format). Tinodarika mutsetse kana tonyora zuva ranyorwa tsamba.

Kana topira watiri kunyorera tinofanirwa kuratidza rukudzo uye kana tichiziva zita rake, ngatirinyore sekuti “Vanodiwa VaChoto”. Kana tisingazivi zita asi tichiziva kuti murume kana mudzimai tinongoti “Vanodiwa Baba” kana kuti ari munhukadzi toti “Vadiwa Amai”.

Pane paya pekuti munhu watiri kunyorera hatina ruzivo rwekuti “Vadiwa Baba/Amai”. Hatifanirwi kuratidza kumhura munhu nekumupera (salutation). Ngatingwarirei kuti kupira kumunhu watiri kunyorera kunozouya tapedza kero yekuri kuenda tsamba.

Tapira tapedza, tinoda kuzivisa vatiri kunyorera tsamba kuti nyaya yedu ndeyeyi. Ndizvozvo tinoda donzvo ratanyorera tsamba. Donzvo iri ndiyo (reference) (RE) kuchiShona tinonyora kuti “ZVE” kana kududza izwi rekuti donzvo.

Kana tanyora kudaro tosarudza mavara anotidudzira kushandisa kuburitsa donzvo redu. Kana wasarudza kushandisa mavara makuru chishandisa iwayo oga uye usatare pasi (underlining). Kana wasarudza kushandisa mavara madiki (small letters) woshandisa iwayo oga wozotara pasi.

Wadaro, chinyora mutumbi wetsamba yako uchitaura chete chawanyorera wozopedzisa zvine ruremekedzo nezita rako rizere.  Hatimbotorai muenzaniso unotevera:-
Shingirayi Primary School
Post Office Box 9058
Mbare
Harare
24 Kukadzi 2015

Mukuru Wechikoro
Kopoto Secondary School
Post Office Box 3058
Mutoko

Vanodiwa Baba/Amai

DONZVO: KUTSVAGA NZVIMBO YEFOMU YEKUTANGA MUNA NDIRA 2016

Ndanyora tsamba yangu ndichitsvaga nzvimbo yefomu yekutanga munaNdira 2016. Ndiri mukomana wemakore gumi nemaviri. Ndinoita zvakanaka muzvidzidzo kunyaya chiShona.

Kana zviri zvemitambo ndiri nyanzvi kunyanya kumhanya nenhabvu. Ndinotungamirira vamwe vana pachikoro. Ndingafara ndikawana nzvimbo pachikoro chenyu.

Ndini wenyu anovimbika
Daphine Danga.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×