Kuparidzirwa vhangeri rezvihuta

IMBWA HAIHUKURE SADZA
DAMBUDZIKO redu mazuva ano hurombo. Hurombo hwekuti tave kufunga kuti ukageza mvura yafashaidzirwa mazai ezvihuta, imwe yacho wobikisa tea, yaunonwa nezai racho rechihuta, unosangana nemunana wako. Variko vanhu vakaparidzirwa vhangeri rezvihuta vakaritenda.

Vari kunwa mazai ezvihuta mambishi, vachirega kunwa maARV avo nekuti vakaudzwa kuti zvihuta kahwani.

Miromo yedu yareba seyezvihuta tichitaura nezvehuori huri kuyerera kunge suweji.

Huori hwacho hwabva hwapindawo nyangwe munzvimbo tsvene – muchechi zvekuti shoko raMwari ranzwa nekutengeswa, kumonywa mutsipa sehuku nekufuriswa dzihwa setishu.

Shoko raMwari riri kusvinwa setauro kuti riburitse zvinodiwa nevanhu, kwete naMwari. Vanhu varohwa nezhara, uye pfungwa dzavo dzambomira kushanda zvekuti nyangwe matoto ezvihuta ave kubikiswa sadza panzvimbo yehupfu.

Vazhinji tave kutsvaga zvinhu zvinobva zvangoita ipapo ipapo. Hatichada kufamba kuenda panomirirwa mabhazi, tave kutsvaga mushikashika. Vakomana nevasikana havachada kupfimbana kunotora mwedzi, asi vanoda kuti kana vakakwira kombi inoenda kuChitungwiza vachibva mutown, pavanosara vosvika vanenge vave kutotsvodana nekutenga makondomu.

Vakadzi nevarume vave kutsvagwa kunge mota dziri pamusika muKwayedza paTishamwaridzane. Chii chaizvo chiri kuitika?

Vanopinda mumachechi, vari kumhanya kuti vanogara pavanokurumidza kuonekwa nemuporofita.

Vanhu mumachechi vave kubvuma kuitiswa madhiri nemagemhu ekuti chechi ifaye! Tadzokera zvakare kuye kuye muBhaibheri kwevanhu vakarohwa naJesu nechamboko muchechi. Kushevedzera mabhero emaT-Shirts, maBra, zvevana, mabhachi nemasokisi muchechi!

Nyika ino yazara huipi, mbavha, huori nekuda mari.

Chanetsa ndechekuti, vamwe pavari kutiza rima, kune vamwe vari kutengesera vanhu rima, mazizi nemapere. Vari kuti dai zvese zvinovhenekera vanhu kuti vaone zvadzima. Rima harina kunaka, asi kune vanorida.

Asi kuzosvitsa huori, humbavha nekuda mari mumba maMwari rave dambudziko razara muZimbabwe. Zvinoita kuti ndifunge mashoko akaimbwa naBiggie Tembo achiti, “Handichaziva kuti mhandu yangu chaiyo ndeipi? Zvaive nani pandakanga ndichinyatsoiziva.”

Machechi azara mhandu. Mhandu dzaMwari, nemhandu dzevanhu. Asika, kuti chechi dzembavha nevaroyi dzaveko idzi kuti dzikure, dzinokuriswa neni newe. Patinoendako tichinotsvaga kupedzerwa nhamo dzedu.

Asika, kune akambopedza nhamo here?

Jesu chaiye akati wani panyika pano muchatambudzika.

Ndakanzwa tsitsi kwazvo nemukomana wechidiki akabuda muKwayedza yesvondo radarika.

Mukomana uyu anonzi akaenda kune imwe chechi huru, uye ine mukurumbira kwaakanonzi ngaaite actor wefirimu achiita semuSatanist.

Basa rake mufirimu iri, raizobhadharwa nemari pamwe chete nekuvakira baba vake imba yekugara.

Mukomana uyu achitaura anoti akadzidziswa kuti agozotaura muchechi kuti muSatanist, uye agozozvonyongoka senyoka nekuita dzimwe action kuti zvityise! Kana zvatyisa vanhu vobva vati zvechokwadi kuchechi uko kwaita simba rinoshamisa.

Asika, hadzisi hove chete dzakapusa zvekugara dzichingobatwa nezvirauro nyangwe dzikaona kuti dzimwe hove dzakadya zvaive pachirauro dzakabva dzaita disappear. Nesuwo vanhu hatidzidze.

Nyangwe tikaverenga nekunzwa nezvemaporofita ari kubata vakadzi chibharo, maporofita anotenga nyoka dzekuti vazoisa mudzimba dzevanhu vavanenge vachishandira, tinongoramba tichitsvaga maporofita.

Nhaimi, vakararama kusina maporofita vairarama seiko?

Hamuchatokwanisa kurarama musina kuudzwa kuti ndiri kuona mhepo pamuri?

Asika, Mwari vanoti, “Wakazviita ndikaramba ndakanyarara, iwe ukafunga kuti ndakafanana newe!”

Mwari havanzwe nzara sewe!

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×