Matanho ekupamba

Munyaradzi Gunduza
MUSEVE USINGAPOTSE

9. Ndeapi matanho mashanu anotorwa naPondai pakupamba umambo hwaMambo Chakaingesu muna Museve Usingapotse? Tsigira uchiratidza kuti danho rega rega rinomubatsira sei. [25]

Danho rekutanga rinoshandiswa naPondai kunyepa. Rinoonekwa paanonyepera Mambo Mupambi kuti Mambo Chakaingesu vakanga vapamba umambo hwababa vake asi ari iye aitoda kubvuta umambo husiri hwake. Izvi zvakaita kuti Mambo Mupambi vazomupa tsori dzavo dzehondo, Marizani naKunjerekunjere vaakadzokera navo kumusha kuti vanosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Pondai anotora danho rekutsvaga hondo yaizomubatsira kurwa. Izvi zvinoonekwa paanosvika achidonhera pamakumbo paMambo Mupambi. Akanga apoterako nekuti aida kupihwa rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu kuti agovapamba umambo hwavo. Hondo iyi yakazomubatsira kuti akwanise kuuraya Mambo Chakaingesu pavakanga vava kurwisana nemauto aMambo Mupambi.

Imwe nzira inoshandiswa naPondai kufurira Tafirenyika kuti auraye Karinge. Tinozviona paanomuudza asati aenda kusango kunovhima nevamwe vake achimuti azouraya Karinge mwana waMambo Chakaingesu nemuseve. Izvi zvinomubatsira kuti azowana chipomero chekuda kuuraisa Karinge achiti akanga auraya mwana wake.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakadarika:

15. Kubva muna Shoko Harivhikwi sarudza nhetembo imwe chete yawakayemura. Zvino chitsanangura zvizere zvawakayemura munhetembo iyi wakanangana nezvainoreva uye mashandisirwo emutauro. [25]

Vadzidzi munofanira kuburitsa zvinhu zvakakufadzai munhetembo imwe chete. Izvi zvinobva pane zvinotaurwa mudetembo nezvidavado zvinenge zvakashandiswa nanyanduri.

Tangai nekudoma zvakakunakidzai nekupa tsigiro.

Detembo rakandinakidza rinonzi Chiokomuhomwe rakanyorwa naUshehwedu Kufakurinani.

Chandakayemura mudetembo iri ndechekuti nyanduri anoburitsa huori huri kuitwa nevashandi vehurumende vanochengetedza mutemo wemumigwagwa vari kusiya motokari dzichifamba dzisina matsamba akakwana sepaanoti, “Une motokari yako mumugwagwa wosangana navanaMuzvinamutemo usina rezenesi inodiwa, kuti vakuregedze nangisa ruoko muhomwe.”

Chinoita kuti ndiyemure nyanduri uyu kuburitsa kwaanoita huori huri kuitwa pakuwanisana pekugara sepaanoti, “Wotsvaga pekuvaka ipa vakuru veguta chiokomuhomwe hazvizonetsi kupawana.”

Ndinoyemura nyanduri uyu paanotidzidzisa tese kuti huori hauna ramangwana rakanaka sepaanoti, “Zuva nezuva tiri kuzvivakira jeri.”

Nyanduri anondinakidza paanobvunza vese vari kuita zvechiokomuhomwe kuti inove nyika yakanaka here vakaramba vachidaro sepaanoti, “Zvino ingava nyikawo here?” Chandakafarira kakurayira kaanozoita kune vese vari kuita mabasa ehuori achiti vari kuzvipinza mumatambudziko sepaanoti, “Mangwana tichachema nekuzvicherera pachuru.”

Chinondifadza pananyanduri uyu ndechekuti iye pachake munhu akanaka nekuti haaite mabasa ehuori sepaanoti, “Pandiri handitoiti homwe.”

Ndinoyemura chidavado chemubvunzonhando chinoshandiswa nanyanduri sepaanoti, “Isu zuva nezuva kudai tichizvivakira jeri?” Chimwe chandinoyemura kushandiswa kwechidavado chechikuwo nanyanduri sepaanoti, “Powoti ndiburitse wanike mbama yose hapana!”

Tangai kuita tsvakurudzo yemubvunzo unotevera:

16. Mitsara iri pasi apa yakakweretwa semanyorerwo ayo kubva muna Shoko Harivhikwi.

Sarudza mishanu chete kubva pamisere yakapihwa, ugoburitsa zvinotevera: (i) musoro wedetembo racho (ii) nyanduri wacho (iii) zvarinoreva (a) Rwizi rwamunogadzirira kuyambuka rwakafara. (b) Makandidzidzisa kushingirira, (c) Ndiwe chete iwe uri pamoyo pangu. (d) Patinouyira, hapana anorarama, (e) Zvino semanyana, motoenda kumatendere (f) Isu tiri vana vechizvarwa, chimwe chete, (g) Kufarira iwe donhodzo, (h) Munhu akatanga kutsvaga rize nemhamhe segudo. [25]

Ndichakupai mhinduro yacho svondo rinouya.

 Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×