
MUKADZI uye wekuMuzarabani, uyo ange achitambudzwa nezinyama rakangomera pachidya chake iro raanoti rakatanga kari kabundu, akazonobviswa zinyama iri kuchipatara.
Chirwere ichi chinodaidzwa kuti neurofabromatosis.
Catherine Muringazuva (36) wemubhuku raMudoka, uyo akabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achitsvaga rubatsiro, anoti akachekwa zinyama iri kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.
Akabatsirwa nesangano reMathew Chitemamuswe Life Skills Rehabilitation Organisation nemari yekuti anorapwa kuchipatara.

“Ndakapinda muchipatara musi wa26 Mbudzi gore radarika kusvika musi wa12 Ndira 2016. Pandakabaiwa jekiseni rekurariswa ndaitya asi nguva imwe cheteyo ndakanga ndisina chekuita nekuti ndaida rubatsiro rwekuti zinyama iri ribviswe nekuda kwekuti ndakange ndatambura.
“Zinyama iri rakange rave kunditadzisa kana kuenda kuchimbuzi chaiko. Ndairemerwa uye ndichirwadziwa zvekuti ndange ndave kufamba ndakabhenda. Iye zvino kubva pandachekwa, muviri wangu wave kudzokera panzvimbo uye ndave kukwanisa kufamba zvakanaka,” anodaro Muringazuva.
Anoti anotarisira kukwanisa kuita mabasa ayo aitadziswa nezinyama iri.
“Ndave netarisiro yakakura neupenyu hwangu, yekudzokera mumunda kunorima nekuita mabasa ose ayo anoitwa nemunhukadzi mukurarama. Ndakanga ndangova munhu aibatsirwa akagara pasina chandaikwanisa kuita. Asi iye zvino ndasununguka kubva mujeri randaiva ndiri.”
Muringazuva nnotenda sangano reMathew Chitemamuswe Life Skills Rehabilitation Organisation nekumubatsira kwarakaita kuti achekwe zinyama iri.
Mai Angelinah Svikoro-Zimbiti, avo vanove nhengo yebhodhi yesangano iri, vanoti Muringazuva akange akatarisana nedambudziko guru.
“Semumwe wesangano rinobatsira Muringazuva, ndakakwanisa kunomuona mazuva ose ari muchipatara ndichimuendesera chikafu pamwe nekuona kuti ashambidzike zvakanaka. Kuchekwa kwaakaita kwakafamba zvakanaka asi zvakatora nguva refu sezvo zinyama rakanga rakakurisa. Machiremba vakatanga nenguva dza9 makuseni kusvika 3 zuva rovira,” vanodaro Mai Svikiro-Zimbiti.
Hosha yeneurofabromatosis kukura kwenyama dzemuviri zvisina kutsarukana uye inonzi inotevedza mumhuri.
Chirwere ichi chinonziwo chinokanganisa huropi, tsinga nedzimwe nhengo dzemuviri.
Neurofabromatosis inonzi inowanzobata vakomana nevasikana panguva iyo vanenge vachangoyaruka.




