Kutanga kwehondo yeChimurenga

Cde Khumalo
Cde Khumalo

Muma‘industry’, vanhu vatema vakange vasingaonekwi kuti vanhu vanokwanisa kuve nepfungwa dzavo. Taingotorwa navaRungu kuti pfungwa dzedu ndedzemhuka.

TAKANGE taita mutimba nyoka patakavimbisa kuti tinoda kunyatsonzwisisa kuti zvigaro zviri mubato riri kutonga reZANU-PF zvinorevei, ndikavimbisawo kuti tichatanga naichochi chinonzi ndivatete vebato kana kuti ‘ubabakhazi’ parurimi rweNdebele — chigaro chaPolitical Commissar.

Saka zvakanaka kuti titange nokumasvuuriro, kwazvakavambwa, kuti zvinzwisisike kuti sei vaine chimiro chakadaro.

Muhurukuro yatakaita naCde Joseph Khumalo (Joel Samuel Siyangaphi Muzhamba), mwedzi wapfuura, vakati: “Pane zvinhu zvese pane ‘foundation’ (hwaro).”

Vakaenderera mberi vachiti, “Ndinofunga vane nhoroondo yezvamatongerwo enyika muno muZimbabwe vanoziva kuti kwakange kuine mapato akasiyana-siyana aida kuti vanhu vatema vawane kodzero dzavo – vanaANC, UNDP, ZAPU.

“Akange ari mapato akange achirwira kodzero dzavanhu, vachida zvakare kuti muParliament yeRhodesia (nguva iyoyo), vanhu vakwanise kupinda, vakamirira kodzero dzedu sezvo taive ruzhinji, nokuti vaRungu vakange vari vashomaka.

“Mapato ose iwaya aumbwa, vanhu vakaona kuti kwakange kusina shanduko mukati menyika. Vaonawo kudaro vakati tingasvika kupi?

“Pakasvikawo nguva tichitaurirwa kuti pakamboita Chimurenga chokutema fodya nechibage (chavaRungu). Kana mombe, dzakatemwa-temwa navanhu.

“Zvese izvi zvakange zviri zvokuda kutsvaga kuti kuve neshanduko muvanhu. Kwakambovewo nechibharo (forced labour). Muma‘industry’, vanhu vatema vakange vasingaonekwi kuti vanhu vanokwanisa kuve nepfungwa dzavo. Taingotorwa navaRungu kuti pfungwa dzedu ndedzemhuka. VaRungu vaishandisa ‘superiority complex’ yokuti vanhu vatema havana pfungwa, ivo ndivo vane pfungwa.

“Vatungamiri vanotitungamira, kusvika nhasi pana President (Mugabe), vakapinda mumapato ese aya, asi vakabva vaona kuti hapana shanduko iri kuitika.

“Vakazobva muZAPU vachiti zvatange tichiita izvi, hationi kuti zvinotisvitsa kupi kuti tiwane rusununguko, uyewo kuti tikaramba tichingotya vaRungu, nokurohwa kwatinoita tichingoti, ‘Yes lo baas ina mushe’, chese chataitwa, kunyange muRungu ari ‘wrong’, tongoti zvese zvaaita, ‘Mambo maita’, handioni kuti tinokwanisa kubudirira kana kuzivikanwa savanhu.

“Ndopakazonzi muna August 1963, ZANU yafomwa. ZANU yafomwa, yakataura kuti tabva mukutaurirana nevaRungu, tave kuda kuita ‘direct confrontation’ navo.

“Zvichireva kuti chii, kuita ‘direct confrontation’ navaRungu? Kurovana nezvibhakera here? Zvichireva kuti tave kuita Chimurenga navaRungu, zvakataurwa naMbuya Nehanda nanaChaminuka? VaRungu ndokubva vazviziva.

“Pakaumbwa ZANU, vakasarudzwa kuita mutungamiri ndiReverend Ndabaningi Sithole. (Cde) Hebert Chitepo ndivo vakange vari Chairman.

‘‘(Cde) Robert Mugabe vakange vari Secretary-General. Vakabvumirana kuti ndiyo nzira chete inokwanisa kusunungura vanhu vedu.

“Asi vadaro, chiri kunzi ZANU ichi chii? Ipapo takatarisa kuti vara rinoti ZANU rakamirirei. Zvikanzi ZANU inomirira nyika yeZimbabwe. Zimbabwe yacho ine zvizvarwa zviri kuda kuzvisunungura. Ndosaka vakati, ‘We are our own liberators.’

“Saka hutungamiri hwedu hwakati vanhu vanokwanisa izvi chete, vanhu vanobva muZimbabwe, vene vazvo. Hatichada zviya zvokuti tinoda kuti tirambe tichingotaura. VaRungu, vauyi. Havasi ivo varidzi vayo, ndosaka vachitibata senhapwa munyika medu.

“Zvasandurwa kudaro zvikanzi, ‘Musangano tave nawo, wamira. Asi, mauto tinawo here? Mauto acho anobva kupi? Ko, vanhu vacho vachaenda vakanomisidzana nevaRungu ndevapi?’

“Zvikanzi, chekutanga: vanhu vanofanirwa kuti vawanikwe, vapihwe ruzivo zvishoma nezvishoma rwokuti tave kurwira rusununguko. Ticharovana navaRungu, asi zvatinoda kurwisana navaRungu, vanhu vangazvidavira here kuti chokwadi vanhu ava vave kuda kurovana navaRungu?”

“Ndopakagarwa pasi. Kare munoziva kuti paive nenyaya dzokunzi dare. Dare raive rokutonga mhosva, asi dare iroro raitotsvaga roona kuti mhosva iyoyo yakamira sei. Saka ZANU vakati panofanira kunge paine Dare reChimurenga, rinenge rave kutungamirira varwiri vorusununguko. Riri Dare rakamirira zvehondo!

“Apa pakange pasati pave nevanhu vari ‘trained’, nokuti kana muchiti tinondobaya nemapfumo, imi musina mapfumo acho, munogoti munondobaya vaRungu namapfumo chirudzii? Vanhu vanokanda mapfumo acho ndevapi?

“Pachibva paitwa Dare reChimurenga raitungamirirwa naNoel Mukono akafanobata chigaro chaCde Chitepo, vakange vari kushandira kuTanzania. Aishandawo nanaMataure, vana Mazhandu, nanaHamadziripi nanaMandizvidza,” vanodaro Cde Khumalo.

Svondo rinouya, tinonzwa kuti zvigaro muDare reChimurenga zvakauya sei, zvigaro zviri maringe ne’Security’ kana ‘Seguransa’ uyewo ‘Political Commissariat’. Tinoonawo zvakare kuti kunze kwevarwi verusununguko veZAPU vaitirenwa kuEgypt, varwi verusununguko vokutanga vaibva mubato reZANU vakanotirenwa kuGhana mugore ra1964.

Mushure mezvo, tozozazanura chigaro chaPolitical Commissar nehwaro hwachakaumba, mukufambisa mabasa omusangano.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *