Kuteketera kuvadzimu

Munyaradzi Gunduza

TSANANGURA zvidavado zvinowanikwa munhetembo dzemhiramidzimu. [25]

Cherechedzo: Mudzidzi ngaaburitse zvidavado zvinowanikwa munhetembo idzi, uye kuratidza basa razvo munhetembo dzacho. Mudzidzi ngaasashandise nhetembo imwe/mbiri kudzumbunura zvidavado kuratidza kuti akaverenga. Munhanganyaya munofanira kutsanangurwa chinonzi mhiramidzimu.

Zvikuwo sepanonzi, “E! Tateguru Dzivaguru,” mudetembo Doro romukwerera kusimbisa kupira midzimu yavo kuti mvura inaye.

Mutauro wekudimikira sepanonzi, “Denga raramba kudzora mwoyo” mudetembo iri zvakare kujekesa kuti vadzimu havasi kunayisa mvura nokudaro vanhu vave kutambura. Vadzimu basa ravo nderokunayisa mvura.

Zitadunhurirwa sepanonzi, “Jengetamacheche muzinda waNyan’ombe” mudetembo rinonzi, Kuteketera kwavadzimba kuratidza kuti madzitateguru ndiwo anochengeta vavhimi mukuvhima kwavo mumasango. Uye pamwezve panonzi, “Nhakuramatenga ndimi” mudetembo rinonzi, Kuteketera matateguru kujekesa kuti vadzimu ndivo varidzi vemuchadenga.

Nhamatidzwa sepanonzi, “Tati tichambopengawo namasango,” mudetembo iri zvakare kusimbisa kukumbira kutungamirirwa kwavavhimi nemidzimu yavo mukuvhima kwavo mumasango.

Mibvunzonhando sepanonzi, “Mati tingazivepiko vasekuru?” Kubva mudetembo Kuteketera matateguru kujekesa kurwadziwa nekuoma kwaita pasi nokuda kwekusanaya kwemvura.

Fananidzo sepanonzi, “Nhamo yatungamira mberi semudonzvo” kubva mudetembo Kuteketera matateguru kujekesa kuti vanhu vamomoterwa nematambudziko nokuda kwekusanaya kwemvura.

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rinouya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *