Landlord adhedha muroja nebanga

Lovemore Kadzura

MUCHIITIKO chinokatyamadza zvakanyanya, mudzimai wekuMagamba kwaRusape anonzi akabaya muroja wake nebanga uye ndokuzomutema nechidhina mushure mekunge agumburiswa nekunamata uko aiita mukamuri yaanogara nemusi weChipiri svondo rino.

Kupopotedzana uku kwakaitika panhamba 2339 Old Magamba, apo Nomsa Sambayi (38) akapinda mukamuri yaMargret Chiduku (27) kuma3 mambakwedza.

Vafakazi nevamwe vanoroja pamba apa vanoti Sambayi aipomera Chiduku (27) mhosva yekuita minamato yaasingadi.

Nyaya iyi inonzi yakakora muto apo Sambayi akazobaya Chiduku nebanga uye ndokumutema nechidhinha.

Mamwe maroja akazopindira nechimbichimbi izvo zvakabatsira kuti Chiduku asarambe achikuvadzwa.

Sambayi akabva asungwa ndokumiswa mudare reRusape Magistrates Court achipomerwa mhosva yekurova nekukuvadza munhu.

Akange asina gweta rinomumirira apo akamiswa pamberi pemutongi Mai Barbara Mateko avo vasina kumupa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva.

Sambayi akazoburitswa muhusungwa, sezvo nyaya yake yaitaridza kuti yaimushungurudza zvakanyanya.

Achadzoka kudare munguva pfupi iri kutevera.

Panguva yaaive mudare, akanzwikwa achitaura zvisinganzwisisike achiita semunhu abatwa nemweya.

Muchuchisi, Muzvare Faith Mutukwa, vakaudza dare kuti: “Sambayi ndiye muridzi wemba inoroja Chiduku, nomusi wa23 Gunyana 2025, nenguva dza3 mangwanani, panhamba 2239 Old Magamba, kwaRusape, mumhan’ari akanga ari mumba make achinamata apo nyakupomerwa mhosva akavhura gonhi raive risina kukiiwa nechisimba akabata banga remukicheni.

“Sambayi akabva atanga kupopotera mumhan’ari achimupomera kuti muroyi asi achinyepera kuva muKristu, nyakupomerwa mhosva akazobaya Chiduku kaviri kumeso, kamwe chete paruoko rweruboshwe nebanga remukicheni ndokumutema nechidhinha katatu mumusoro. Chiduku akakuvara mumusoro neparuoko, ndokunoongororwa nachiremba,” vanodaro Muzvare Mutukwa.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *