Little Miss Global Zim odzorera kunharaunda

Muchaneta Chimuka

MWANASIKANA ane makore 11 ekuberekwa, Yamikani Shammah Marasha, uyo akahwinha mubairo wekuva Little Miss Global Zimbabwe pamakwikwi akaitwa munguva pfupi yadarika ari kuita mabasa etsitsi ayo anosanganisira kubatsira vadzidzi vechisikana nezvekushandisa panguva yekutevera.

Masvondo adarika, Yamikani akabatsira vadzidzi 160 vepaShamva Gold Mine Secondary School mudunhu reMashonaland Central nemidziyo yekushandisa panguva yekutevera.

Kumashure uku, akanga aine nyembe dzeLittle Miss Zimbabwe Brand Ambassador idzo akawaniswa nevePeople’s Choice mugore ra2022 uye nedzeMiss Africa Zimbabwe Rising Queen.

Gore rino, akasimudzirwa apo akakunda pamakwikwi eLittle Miss Global Zimbabwe uye achange achienda kunyika yeMalaysia  achinomiririra Zimbabwe mumakwikwi achaitwa nguva inotevera.

Yamikani, uyo ari kuita Grade 7 paChivaraidze Primary School kuUmwinsidale muHarare, anozivikanwa zvikuru nekugona kutaura pajekerere (public speaker) uye achange achinomiririra Zimbabwe muchirongwa ichi mumwedzi waNyamavhuvhu uno kuSouth Africa.

“Ini ndakazvipira kuti ndichange ndichiita mabasa etsitsi, zvikuru sei mukubatsira vamwe vana muzvikoro avo vandinoona vakatarisana nematambudziko akasiyana. Ndakaona kuti dambudziko rekushaikwa kwezvekushandisa panguva yekutevera rakakura, kunyanya kuvana vanobva kumhuri dzinonetseka kuzvikoro zvekumaruwa. Ndakatora danho rekukwasha rubatsiro urwu nokudaro ndinotenda Pastor Stephen Chidhobha avo vakanditsigira kuti ndiwane zvekushandisa panguva yekutevera izvo zvandapa kuvadzidzi vepano,” anodaro.

Mwedzi miviri yadarika, mwanasikana uyu akapa zvekare rubatsiro rweshangu dzechikoro kuvana vanodarika 100 vepaShamva Primary School munzvimbo imwe chete iyi.

Vabereki vake, VaFarai Marasha naMai Sarah Marasha, vanova vafundisi vekereke yeChrist Connect Family Church vari kutsigira zvakanyanya mabhindauko aari kuita.

VaJealous Nyakurerwa vanova kanzura weWard 19 kuShamva South vakatenda zvikuru rutsigiro rwakapihwa naYamikani kuvadzidzi vemunharaunda mavo.

Mukuru weShamva Gold Mine Secondary School, VaAndrew Katiza, vakatendawo rutsigiro urwu vachiti chinhu chakanaka kuti rubatsiro rwakadai rwutekeshere kune zvimwe zvikoro.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×