‘Lockdown’ yawedzerwa

Munyori weKwayedza
PRESIDENT Mnangagwa nezuro vakawedzera mazuva ekuti veruzhinji vagare kudzimba sedanho rekuderedza kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19 nemamwe masvondo maviri asi ndokurerutsa mamwe ematanho e“lockdown”.

Zvimwe zvacho ndeizvi:

  •  “Lockdown” yawedzerwa nemazuva 14.
  •  Munhu wose ngaapfeke masiki kana asiri pamba pake.
  • Makambani nemaindasitiri achavhura asi vashandi vose vanosungirwa kupihwa mamasiki nemishonga yekugeza maoko, vovhenekwa kudziya kwemuviri nekukoshesa utano hwavo.
  • Vaongorori vezveutano vachafamba vachiona kuti izvi zviri kutevedzwa here.
  • Nguva dzekushanda kubva na8 mangwanani kusvika na3 dzemasikati.
  • Vanozvishandira — kunze kwevari mune zvekurima — vacharamba vakavhara.
  •  Zvikoro hazvisati zvovhurwa.
  • Mabhazi anotakura veruzhinji ngaapfapfaidzwe kaviri pazuva.
  • Makombi haasati adzoka.
  • Machechi, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzinounganwa dzichakavharwa.
  • Vanoungana havafanirwe kudarika 50.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *