Mabikirwo erupiza

Muchaneta Chimuka

RUPIZA kudya kwepasichigare uye kune mapuroteni akawanda ayo anoita kuti muviri ugare wakagwinya.

Svondo rino Mbuya Marvis Shalati vekwaChilonga, kuChikombedzi, kuChiredzi, vanotsanangudza mamwe mabikirwo erupiza.

Zvinodiwa:

Nyemba (cow peas), guyo nehuyo, mvura, munyu, chikari, mugoti, dovi nemafuta

Mabikiro:

Kanga nyemba kusvika dzatsvukira.

Dzikuye nehuyo dzisare dzakaita zvipande, asi ngadzisasare dzakaita upfu nekuti dzinozotsviririra.

Pepeta ubvise magufu netwumarara kana twumatombo.

Nyika nyemba mumvura husiku hwese kana kuti kwemaawa masere.

Nyurura nyemba mumvura ugadze muchikari kwemaawa 4 kusvika 6.

Isa munyu netwumafuta twushoma kuti dzisatsviririre nechepasi.

Isa zvipunu zviviri zvedovi womona nemugoti.

Wozodii?

Rupiza kudya kusina mafuta akawanda uye kunofarirwa kunyangwe nevari kunyika dzevachena sekuUnited States of America apo vanotumirwa kubva kunyika dziri kuAfrica uko nyemba dzinorimwa zvakanyanya.

Rwunodyiwa rwakadaro asi usakanganwe komichi yemvura kana maheu parutivi sezvo unogona kudzipwa.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *