Abel Ndooka
MWAKA mutsva weKuwadzana Area Zone Soccer League uchatanga musi wa9 Kurume uye uchaona zvikwata 20 zvichikwikwidza.
Sachigaro weligi iri – Karen Rambai Mbisvi – uyo anonyanya kuzivikanwa saSir Stoko, anoti gore rino vari kutarisira kuona zvikwata zvakawanda zvichikwikwidza.
Anoti chishuwo chavo ndechekuti panopera mwaka wegore rino vatambi vakawanda vatengwe nezvikwata zvikuru zvinokwikwidza muCastle Premiership uye nezvekunze.
“Donzvo redu kuona vatambi vakawanda vanokwikwidza muKuwadzana Area Zone Soccer League vachitorwa nezvikwata zvikuru zvemuno zvakaita sanaDynamos, CAPS United, Ngezi Platinum Stars, Simba Bhora nezvimwe zvakasiyana uye vachitozopedzisira vaenda kunze kwenyika.
“Naizvozvo mwaka wegore rino tiri kukurudzira zvikwata kuti zvitosunga dzisimbe nekuti tinoda kuona zvichitamba nhabvu yepamusoro inonwisa mvura,” anodaro.
Sir Stoko anoti vari kuita hurukuro nevarairidzi vezvikwata zvakasiyana kuti vapote vachiuya kumitambo yavo.
“Tiri pakati pekuita hurukuro nevarairidzi vezvikwata zvinotambira muPSL uye nevamwe vemuDivision One kuti pavanenge vakasununguka vauye kuzoona mitambo yedu, zvimwe vanogona kuwana vatambi vaviri kana vatatu avo vanofarira,” anodaro.
Zvakadaro, svondo rino, zvikwata zvina zvinoti Stallions, SDA, Golden Spurs neStingers zvichabandana mumitambo yeCommunity Shield.




