MACHIKICHORI: Nakirwai nemutakunanzva wetsunga ine dovi

Muchaneta Chimuka

USAVI hwetsunga ine dovi mudyandakasungwa chaiwo uye wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo tichiwana mavitamin A neC uye iron kubva kwauri, izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri.

Svondo rino, Talent Dhliwayo wemuHarare anotidzidzisa kukaringa tsunga ine dovi.

Zvinodiwa

Chikari;

Chipunu;

Munyu;

Muriwo wetsunga;

Madomasi;

Mafuta;

Dovi

Mabikiro

Geza hanyanisi nemadomasi, wocheka muzvidimbu zvidiki.

Geza muriwo, wouchekerera.

Gadza chikari pamoto, woisa muriwo wako.

Kanda munyu wakaringana netwumafuta twushoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi, wokanda hanyanisi nemadomasi zvawacheka.

Isa zvipunu zviviri zvedovi, woramba uchikurunga kusvika zvave kukwata.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage.

Uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: 0713411281 kana 0773 394 753

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *