DeMbare ine gomo guru rekukwira

Abel Ndooka

CHIKWATA cheDynamos FC chine gomo guru rekukwira musi weMugovera svondo rino apo chichasangana neTelOne kuAscot Stadium, kuGweru, mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League (PSL) matchday 20.

Dynamos inofanirwa kutosunga dzisimbe nekuti mwaka uno haisi kutamba zvinogutsa.

Nokuda kwechimiro chakadai, yakagara pechi17 palogo, iine zvibodzwa 15 kubva pamitambo 19 yatambwa kusvika pari zvino muPSL.

Zvikaramba zvakadaro, chikwata chaSaul Chaminuka, DeMbare, chinogona kuenda kuDivision One mwaka unotevera.

Nekune rimwe divi, chikwata chaHerbert “Jompano” Maruwa, TelOne FC, kana kuti Wi-Fi Boys, mwaka uno chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura, izvo zvaita kuti chigare pechina palogo.

Pakambosangana zvikwata zviviri izvi kutanga kwemwaka uno kuRufaro Stadium muHarare, mutambo wazvo wakapera uri mangange 1-1.

Simba Bhora ichange iri muHarare musi weMugovera svondo rino, ichisangana neHerentals College mumutambo uchatora nzvimbo kuRufaro Stadium.

Go Buju Go, rinova zita remadunhurirwa reSimba Bhora, pari zvino yakagara pechipiri palogo, ichidzingirirana neMWOS FC, iyo iri kutungamira.

Herentals College yakagarawo pechitanhatu palogo iine zvibodzwa 28 kubva pamitambo 19 uye mumutambo wayo wekupedzisira yakazvambaradza DeMbare 2-0.

Simba Bhora yakaita mangange 1-1 neZPC Kariba mumutambo wayo wekupedzisira, uyo wakatambirwa pamusha payo, Wadzanayi Stadium, kuShamva.

MWOS FC ichange ichitatsurana neYadah FC musi weMugovera kuHeart Stadium muHarare.

MaPunters, mumwaka wavo wekutanga muPSL, ari kutamba nhabvu inonwisa mvura uye ave kurwira mukombe.

Ngezi Platinum Stars ichange iri pamusha payo kuBaobab Stadium, kuMhondoro, ichibandana neScottland FC musi weMugovera.

Mumutambo wayo wekupedzisira, Madamburo yakakunda GreenFuel 1-0 kuGreenfuel Arena. Mabvirabvira yakazvamburwa neCAPS United 1-0.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *