‘Torai kupfuya tsuro sebhizimusi’

Kingstone Mapupu

VARIMI vanopfuya tsuro munyika vokurudzirwa kuti vatore basa iri sebhizimusi kuitira kuti vakwanise kuwana pundutso uye kusimudzira chikamu ichi, icho chinobatsira nekuwanisa nyama nezvimwe zvakasiyana-siyana kune voruzhinji.

Kurudziro iyi yakapihwa nemupfuyi wetsuro anozivikanwa zvikuru munyika, VaGift Jambaya.

Vanozivikanwa zvakare nezita rokuti Mr Tsuro.

VaJambaya, avo vanoita basa ravo vari muHarare, vanoti nyama yetsuro inodiwa zvakanyanya; matani anodarika 1,5 anodyiwa nevanhu pasi rose pagore, zvichiunza mari inosvika US$7 bhiriyoni.

“Kubva kumasangano edu anoona nezvekupfuyiwa kwetsuro, zvinonzi varimi vaidzipfuya munyika yedu mugore ra2020 vaive 5 000 chete, vakazowedzera pakupera kwa2024 kusvika pa25 000.

“Zviri kureva kuti vari kuwanda zvikuru nekuda kwekufarirwa kwenyama iyi munyika nepasi rose,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti varimi vazhinji vanopfuya tsuro vanowanikwa vaine mhando dzinosanganisira Carlifonia White, New Zealand White, New Zealand Red, Chinchilla Grey neZika.

“Kudyidzana nenyanzvi dzekune dzimwe nyika dzakatikomberedza dzakaita seZambia, South Africa, Mozambique, Swaziland, Nigeria, Botswana, Egypt neGhana kunotipa mukana wekuvandudza matanga etsuro dzedu pane kuramba tichingova nemhando dzimwe chetedzo,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti sezvinoitwa mombe nezvimwe zvipfuyo zvinokavaniswa mhando dzacho kuita macrossbreed, vanokurudzira varimi vetsuro kuita zvimwe chetezvo.

“Ngatishandei nenyanzvi pakuvandudza mhando dzetsuro dzedu nekuda kwekuwanda kuri kuita varimi vanopfuya tsuro,” vanodaro VaJambaya.

“Mubasa rose ratinoita pasi pano, ishuviro yemunhu wose kuti awane zvitsva mumabhindauko aanoita. Zvimwe chete nemubasa redu rekupfuya tsuro; tinokurudzira varimi vedu vetsuro kuti vatsvage dzimwe mhando itsva, vachikavanisa nemhando dzavakagara vainadzo,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti kunyangwe vapfuyi vemombe kana mbudzi nemakwai, zvinoonekwa kuti vanogara vachiita tsvakurudzo, vachishanda nenyanzvi kuti basa ravo rifambire mberi.

“Ndadarika makore makumi matatu ndiri mubasa rekupfuya tsuro, nokudaro panguva yandadyidzana nevamwe varimi, ndakaona kuti mhando dzetsuro dzatagara tiinadzo dzinongova dzimwe chete, pasina kutsvagawo dzimwe mhando itsva.

“Ikurudziro yangu kuti varimi tose tifambire mberi nekutsvaga mhando itsva, tichidyidzana nedzimwe nyika,” vanodaro VaJambaya.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×