MACHIKICHORI: Zvakanakira kudya magaka

naMuchaneta Chimuka

Kudya magaka munguva dzemanheru kunobatsira kusimudzira utano, zvikuru sei mushure mekudya chikafu. Zvinoita kuti paunorara paye chikafu chigaike zvakanaka mudumbu, zvichisiya uine hope neutano hwakanaka.

Tinowana vitamin C kubva kumagaka. Pamusoro pazvo, anoderedza uwandu hwemafuta ari mumuviri. Nokudaro, kana uri kuedza kuderedza uremu hwemuviri wako, unogona kudya magaka, angave eminzwa kana aye asina. Ose anoshanda zvimwe chetezvo.

Magaka ane mvura yakawanda maari — 95 percent. Kuti ugare uri mutano, kunyanya munguva ino yekupisa kwekunze, idya magaka nekuti zvinoita kuti ropa rifambe zvakanaka.

Magaka anobatsira zvakare mukuderedza uremu hwemuviri sezvo uchigona kuzadza dumbu rako nawo, wobva waderedza uwandu hwesadza kana kumwe kudya kune starch nemacarbohydrates.

Tinowana dietary fibre kubva mumagaka, iyo inoita kuti chikafu chive nyore kugaiwa mudumbu uye anobatsira mukuderedza chirwere cheshuga sezvo usingazonzwi kuda kuramba uchidya chimwe chikafu munguva dzemanheru.

Tinowana zvakare vitamin K, minerals, potassium nemagnesium kubva mumagaka. Zvose izvi zvinobatsira mukusimudzira utano nekusimbisa mabhonzo mumuviri.

Munhu akadya magaka, nyaya dzekutambudzwa nezvirwere zvekufunganya zvakadai sehigh blood pressure (BP) dzinoderera uye zvinobvisa mhepo mudumbu kuti usafufutirwe kana kuita maasidhi.

Magaka anoderedza zvakare kuomerwa pahuro nekuda kwenyota.

Anogadzirwa sei magaka aya?

Geza magaka ako. Kana ari aye ane minzwa, apare, wozoageza zvakare.

Chekerera kuita zvidimbu zvinosara zvakaita denderedzu.

Isa mundiro, womwaya tumunyu twakaringana.

Vamwe vanofarira kuisa mhiripiri kana salad cream; sarudzo ndeyako.

Gezai maoko mudye nemhuri. Magaka anoita kuti ganda risare rakanaka, richitsvedzerera asi yeukai kudya chimwe chikafu chinovaka muviri.

Magaka anodyiwa nevanhu vemazera ose.

Anogona kugayiwa nekamuchina pamba, onwiwa semaheu.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzenhare dzinoti: +263773394753 kana email: [email protected]

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *