Vaimbi vechitendero vechidzimai vobatana kushumira vhangeri

Abel Ndooka

VAIMBI vechitendero vechidzimai vesangano reZimbabwe Female Gospel Artist Association (ZFGAA) vachasangana  kuBulawayo musi weMugovera uno vachishumira vhangeri nekuridza nziyo dzekurumbidza Mwari.

Chirongwa ichi chichaona vaimbi vari muboka iri vachitenderera neZimbabwe yese pamwe nekuenda kunze kwenyika vachiita mashoo.

Svondo rino, ZFGAA ichange iri kuBulawayo uko vaimbi vanosanganisira Pastor Hetisani Mharidzo, Dr Precious K, Mai Mwamuka, Minister Lindani, Abigail Mwembe naLihle Dube vachaimba nekuparidza vhangeri raJehovha.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamiri wesangano iri – Pastor Mharidzo – vanoti vakaronga chirongwa ichi nechinangwa chekubatanidza vaimbi vechidzimai.

“SeZimbabwe Female Gospel Artist Association, takavamba chirongwa ichi apo tiri kufamba mumapurovhinzi ese tichiita mashoo.

“Izvi tiri kuzviita nekuti chekutanga, tinenge tichishumira nekuparidza vhangeri raMwari kuburikidza nemhanzi uye chechipiri, tichipanana mukana wekusimukira sevaimbi vechitendero,” vanodaro Pastor Mharidzo.

Chirongwa ichi chakatanga svondo radarika apo vaimbi vekwaMutare vakasangana vakaita shoo yavo.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *