Ticharamba tichisimudzira vatori venhau: Zimpapers

Munyori weKwayedza
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakatsigira makwikwi evatori venhau eNational Journalistic and Media Awards (NJAMA) ayo akaitirwa muguta reHarare nemari inosvika $10 000 nechinangwa chekusimudzira basa revatori vevanhu.

Mumakwikwi aya, Zimpapers yaishanda pamwe chete nesangano rinomirira vatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ).

Mukushi wemashoko kuZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vanoti kambani yavo inoda kuita zvakawanda munyaya dzekusimudzira indasitiri yezvenhau.

“Ndisu kambani huru uye yepamusoro-soro munyaya dzezvenhau.

‘‘Tarisai iye zvino tiri kuwanikwa kwose-kwose – kumapepanhau, redhiyo, terevhizheni nepadandemutande (digital platforms). Saka zvine musoro kuti tiite chikamu chedu mukutsigira basa revatori venhau,” vanodaro.

Muzvare Tonhodzayi vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kuita zvakawanda mukusimudzira basa rezvenhau mugore rinotevera. Zimpapers yange ichidzidzisa vatori venhau vayo kuti vakwanise kutora nhau dzinoenderana nemabandiko ayo ose. Iyi itsika itsva yave kuitwa nemakambani ose ari mune zvenhau.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *