Mbavha yemombe yabatwa ichipfodora hope

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 37 okuberekwa wekwaSeke, Givemore Chitope, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemhosva yekuba mombe iyo anonzi akauraya uye ndokuzobatikidzwa aine nyama yacho pane mumwe musha apo aive akarara.

Mutongi wedare iri, VaMadzingira, vakati Chitope wemubhuku raMubobo kwaSeke adzoke munguva pfupi iri kutevera paonekwe kuti angawaniswa mukana wekupihwa bhero here kana kuti kwete.

Muchuchisi VaMalven Mwendera vakaudza dare kuti nomusi wa11 Chikunguru gore rino, Chitope anonzi akaenda kudanga remumhan’ari, Simon Dzapata, akanoba mombe hono achibva anoiurayira kurwizi.

Chitope akasungwa pamwe chete naambuya vaive pamusha pakawanikwa nyama iyi – Susan Manyonga (91) – vanova  vakazoregedzwa.

Ari kutongwa pasi pechikamu chemutemo weStock Theft as Defined in Section 114 (2) (a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Dare rakaudzwa kuti nezuva iri munguva dzemasikati, Dzapata akatenhera mombe dzake nhatu mudanga achibva asiya adzisunga netambo apo akazoenda kuchechi nevamwe vemhuri yake.

Nenguva dza2:30am zuva rakatevera, mwanasikana waDzapata – uyo anonzi Ruvarashe akamuka – mushure mekunzwa kukuma kwemombe kwakanyanya.

Akabva aenda kudanga kunotarira  panova paakasvikoona kuti imwe mombe yavo yainge isisimo mudanga.

Ruvarashe akabva amhanya kuchechi kunoudza baba vake avo vakazobatsirwa nevamwe vavanonamata navo kutevera matsimba eshangu dzavaiona dzichibva kudanga kudakara vasvika pamusha pakatorwa vasungwa vaviri ava.

Vasvika pamusha apa, ndipo pavakaona nyama yemombe yaive mumasaga  maviri mune imwe kamuri yemba.

Vakadzidzawo zvekare kuti Chitope ainge arere mune imwe kamuri yemba pamusha pakawanikwa nyama iyi.

Vakazivisa mapurisa eZRP Dema zvakaita kuti asungwe.

Mombe iyi yaikosha US$300 uye nyama yakawanikwa yaive nehuremu hwemakg 107,9.

Mufakazi panyaya iyi, Craylon  Mafipayami (23), anoti vakatevedza matsimba eshangu achibva avatungamirira pamba paive nemusungwa uyu uye nyama yemombe.

“Pazuva iri, taiva pachechi apo mwanasikana waDzapata akauya achitaura kuti mombe yainge yabiwa. Takabatana nevamwe vechechi uye vanhu vemuraini mukuitsvaka. Takakaronda matsimba kubva kudanga kusvika pamba paive nemusungwa uyu saka tine chivimbo chekuti ndiye akatora mombe kudanga akanoiuraya nevamwe vake vanogona kunge vasati vabatwa,” anodaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×